Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chipiri Zvita 25, 2018


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vanhu vakawanda vanotamba Kisimusi yegore rino vasina zvekudya vamwe vari mumitsetse yepeturu pamagaraji.

Gurukota rezvemhando dzemoto, VaJoram Gumbo, vanoti nyika haina dambudziko repeturu nedhiziri vachiti dambudziko riripo nderevanhu vari kutenga mafuta akawandisa vachiachengeta vachityira kuti anogona kuzoshaikwa zvachose.

Studio7 inotarisa kuomerwa kwanga kwakaitwa veruzhinji munyaya dzehupfumi mugore ra 2018.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri kushanda nekugara muBotswana zvinosarudza kutumira hama neshamwari mari nezvekudya pazororo reKisimusi pane kuenda kumusha zvichiti zvinhu hazvinawo kumira zvakanaka munyaya dzemari.

Vamwe vemakereke vanoedzerwa vari kumachechi vachicherechedza kuberekwa kwaJesu Kristu.

Nhengo dzekereke yeGuta raJehova dzinorwisana zvakaipisisa nekupisirana dzimba kwaZvimba kuMashonaland West.

Muchirongwa cheThe Connection na 8pm tiri kutarisa zviri kuitika muzororo reKisimusi pamwe nekutarisa mamiriro anga akaita gore ra 2018 kune vechidiki.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Misoro yeNhau, Chipiri Zvita 25, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG