Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Zvita 13, 2018.


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Mashoko emutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, ekuti vakakomberedzwa nematsotsi oshorwa nevanopikisa pamwe nevarwiri vekodzero dzevanhu vachiti VaMnangagwa vanofanirwa kusungisa matsotsi avanoti ari mubato ravo.

Varairidzi vekumaruwa pasi pesangano reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe voenderera mberi nekufora kwavo vachibva kwaMutare vakananga kuHarare uko vanoda kunosvitsa zvinyunyuto zvavo.

Vagari vekuChipinge voendesa kambani yeGreen Fuel kumatare edzimhosva vachiti iri kuvatorera minda yavo yavakasiirirwa nemadziteteguru avo.

Masangano emadzimai nerevechidiki muZanu PF osimudzira nyaya yekuti VaMnangagwa vave ivo chete vachakwikwidza vakamirira bato iri musarudzo yemutungamiri wenyika muna 2023.

Vagari vekuLupane vokurudzira kuita zvirongwa zvinobatsira munhu wese, kwete kuita rusarura.

Muzinda mutsva weAmerica muZimbabwe wotarisirwa kuvhurwa zviri pamutemo gore rinouya mushure mekuvakwa kwemakore akawanda nemari inoda kusvika mazana matatu emamiriyoni emadhora.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na 8pm tiri kutarisa kuoma kuri kuita zvinhu munyika, uko kunoremera zvikuru madzimai.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG