Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Zvita 11, 2018.


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vagari vekwaMutare vozeya mashandisirwo achaitwa bhajeti reguta iri gore rinouya - vakawanda vachiti vanoda kuti kanzuru isimudzire mabasa ekuchenesa guta.

Sangano revashandi vemubazi rekupinda nekubuda kwevanhu munyika, re Immigration Workers Union, rinoti harisi kuzorara kana nyaya yekushungurudzwa kwevanhukadzi mubazi iri isati yagadziriswa.

Musangano weZanu PF wepagore unotanga Politburo ichisangana muHarare, Central Committee ichisanganawo mangwana kuti itambire hurongwa hwemusangano uchaitirwa kuMatabeleland.

Vakaremara vanoti hurumende inofanirwa kutsigira mitambo yavo nemari kuitira kuti mitambo iyi isimukire.

Vechidiki vakawanda voswera vachiputa zvinodhaka izvo nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti zvinogona kuvhiringa hutano hwavo.

Muchirongwa cheThe Connection na 8pm tiri kutarisa dambidziko revechidiki vari kuputa zvinodhaka.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG