Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gumiguru 16, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gumiguru 16, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Komisheni yekutsvaka zvakapa kuti vanhu vapfurwe vakafa musi waNyamavhuvhu 1, inotanga kunzwa humbowo kuvanhu pamusoro pezvakaitika musi uyu

Sangano reEuropean Union rakaongorora sarudzo rinoti riri kufara kuti paramende ine hurongwa hwekuvandudza mitemo yesarudzo kuitira kuti sarudzo dzichaitwa muna 2023 dzinge dzisina mutauro.

Guta reBulawayo rinoita misangano yekutsvaga nzira dzekukwezva vemabhizinesi kuti vauye kuzosima mari dzavo mumakanzuru emunyika.

Kanzuru yeHarare yoita mutambarakede zvichitevera kuwana kwayakaita mari inodarika mamiriyoni gumi nemanomwe emadhora yakabhadharwa semitero nemabhiri nevagari vemuguta iri mumwedzi waGunyana chete.

Pasi rose rinocherechedza zuva reWorld Food Day vari kunze kwenyika vachiti vane mutoro mukuru wekutengera hama neshamwari chikafu kunze kwenyika

Muchirongwa cheThe Connection na 8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu kune vechidiki munyaya dzehupfumi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG