Zimbabwe inochema kushaya kwemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, avo vakashaya nezuro kuSouth Africa uko vairapwa chirwere chegomarara.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti hurumende inoti ichabatsira nezvose zvinodiwa parufu rwaVaTsvangirai sezvo vakashanda kwetemu yose semutungamiri wehurumende muhurumende yemubatanidzwa yakaitwa kubva muna 2009 kusvika muna 2013.
Munin’ina waVaTsvangirai, VaCollins Tsvangirai, vanoti vanotarisira kuti mutumbi waVaTsvangirai uchaendeswa kuZimbabwe nemangwana kana neMugovera ndokunge magwaro anodiwa avepo.
Panguva iyo mumusha meMDC muchiri mutema, dzimwe nhengo dzeMDC dziri muNational Council dzinobuda nechisungo chekuti VaNelson Chamisa vafanobate chigaro chaVaTsvangirai kwemwedzi gumi nemiviri, pamusangano usina kupindwa nevanotiwo ndivo vakasiya vapihwa matomu, VaElias Mudzuri, kusanganisirawo vamwe vasina kupinda musangano uyu vanoti Muzvare Thokozani Khupe, VaLovemore Moyo, nevamwe vakuru vakuru mubato.
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutaura pamusoro pekushaya kwaVaTsvangirai, uye zvakunoreva kuvanhu vemuZimbabwe.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.
Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.
Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.
Facebook Forum