Accessibility links

Breaking News

Misoro yaNhau, China 11 Ndira, 2018


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vemapato anopikisa vanoti havasi kufara nekusapiwa mukana neZEC kuti vapewo pfungwa dzavo mukusharwa kwenzvimbo dzekunyoresera kuvhota muchirongwa chekunyoresa kuvhota chakawedzerwa nguva, vachiti ZEC yakasiya dzimwe nzvimbo dzakakosha dzakaita semumigodhi nemumapurazi.

Mubatanidzwa wemachechi we Divine Destiny Network unoti hurumende yaVaMnangagwa ichiri kutatarika kutevera bumbiro remitemo, uye uri kukumbira hurumende kuti isiyane nemaitiro evaimbove mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Vagari vekuminda yemangoda ekwaChiadzwa mudunhu reManicaland vanoti kubva pakawanikwa mangoda mudunhu ravo havasati vawana zvakare rugare, kungave kuburikidza nekuwaniswa mabasa, rununguko kana kuwana cheuviri.

Munhau dzemitambo, aive murairidzi wechikwata chenhabvu cheDynamos uye maWarriors, Kalisto Pasuwa, anovamba chirongwa chitsva chekubatsira vatambi vasina zvikwata zvekutambira kuti vawane mabasa.

Muchirongwa cheLiveTalk Women’s RoundTable na 8pm, tiri kutarisa nyaya dzekukwira kwemitengo yezvinhu zvinodiwa nemhuri zuva roga-roga, uye kuti zvinobata sei madzimai.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera chimwe chirongwa chedu na 6:00am, Muvhuro kusvika chishanu.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Misoro yeNhau, China, Ndira 11, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG