Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Mbudzi 22, 2017


Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Mbudzi 22, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vari kutarisirwa kugadzwa semutungamiri wenyika nemusi weChishanu, VaEmmerson Mnangagwa, vanosvika muHarare kuti vatange basa rekutungamira nyika.

Sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Lawyers for Human Rights ropomera mauto mhosva yekutyora kodzero dzevanhu muchirongwa chawo che Operation Restore Order.

Vemachechi vokurudzira VaMnangagwa kuti vadaidzire musangano unopindwa nevezvematongerwo enyika, masangano akazvimirira nevamwe kuitira kuti pakurukurwe nyaya yekuumba hurumende yemubatanidzwa

Judicial Service Commission inomiswa nedare redzimhosva kubvunzurudza vari kuda kupinda pabasa remuchuchisi wehurumende richiti VaRay Goba vakabviswa pabasa iri zvisiri pamutemo.

Migwagwa yosara isina mapurisa zvichitevera kutora nemasimba kwakaitwa zvinhu munyika nemauto.

Muchirongwa che LiveTalk na 8pm, tiri kutarisa pamire vari kunze kwenyika pane zviri kuitika muZimbabwe.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG