Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Gunyana 22, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoshora mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, kumusangano weUnited Nations General Assembly vachiti VaTrump vanoda kuzviita saGoliath wemubhaibheri.

Mukuru wekambani yeEconet Wireless, VaStrive Taputaira Masiyiwa, vanoti kushanduka kwemamiriro ekunze kuri kuvhiringa vanhukadzi zvakanyanya

Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission, Amai Rita Makarau, vataura pamusoro penyaya ye Server inochengeta zvavanounganidza muchirongwa cheBiometric Voter Registration.

MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai yoparura mukupera kwesvondo chirongwa chekupinda muvanhu ichikurudzira vanhu kuti vanyorese kuvhota.

Makwikwi eChibuku Super Cup otsviriridza mukupera kwesvondo

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa mashoko aVaMugabe kumusangano weUnited Nations General Assembly.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG