Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gunyana 19, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Chirongwa chekunyoresa pachishandiswa mishina yechizvino zvino, yeBiometric Voter Registration kits choburitsa kusagadzirira kwakakwana kweZimbabwe Electoral Commission kuMasvingo sezvo nzvimbo dzekunyoresa dziri kushaikwa mumishina iyi.

Nyaya yakakwidzwa kumatare neMDC-T ichiti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakakanganisa pavakatara mazuva echirongwa che BVR yonzwikwa mudare mangwana.

Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, votaura kekutanga nhasi kumusangano weUnited Nations General Assembly, uyo uri kupindwawo nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vakasvika mu New York nemusi weSvondo.

Sangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association rinotungamirwa naVaChris Mutsvangwa roendesa gurukota revakarwa muhondo kumutare richiti vari kushandiswa neZanu PF kuti vaumbe sangano revakarwa muhondo rinorerekera kumutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzozeya zviri kuitika pamusika weZimbabwe Stock Exchange uyo unonzi uri kuita zvakanaka chose panguva iyo vanhu vari kunetseka zvikuru kuti vatore mari dzavo kumabhanga.

Vamwe vagari vekuDzivaresekwa3 vogara vakabatira ura mumaoko vachitya kudzingwa mundzimba dzavagere dzekanzuru sezvo vari kutadza kubhadhara mari kukanzuru yeHarare.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa vechidiki vari kupinda muchirongwa chekunyoresa kuvhota pachishandiswa mishina mitsva yeBiometric Voter Registration.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG