Accessibility links

Misoro Yenhau Dzanhasi, Chishanu Nyamavhuvhu 11, 2017.

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Mapato anopikisa oita musangano neZEC achizeya nyaya dzekunyoresa kuvhota.

Bato reMDC inotungamirwa naMuzvinafundo Welshman Ncube yobuda mumubatanidzwa weCoalition of Democrats kana kuti CODE.

Vechitendero chechiMuslim nemaKristu vopeta musangano wemavhiki maviri wakanangana nekuunza kuyananya pakati pemarudzi aya.

Makudo orura kuKariba achivhiringidza magariro evanhu nekuba chikafu mudzimba.

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe votarisirwa kuita musangano nevechidiki vebato ravo kuPhelandaba Stadium, Gwanda kuMatabeleland South Province.

Makundano eCastle Lager Premier Soccer League ambomiswa kupa mukana kumitambo makumi matatu nemumwechete yekuedzana masimba iyo yarongwa neveZimbabwe Football Association kuti itambwe panguva yezororo yeHeroes.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8;00pm nhasi, tiri kutarisa nezvemari yapihwa mhuri yemutungamiri wenyika inosvika bhiriyoni imwe chete yekuvaka Robert Mugabe University kuMazowe nyika ichitatarika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti PA 909 AM, 4930, KANA PA 6065, NE 15460 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu nekudzvinya pakanzi LIKE.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG