Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Nyamavhuvhu 21, 2019.


Misoro yeNhau

Vaimbove mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Va Phelekezela Mphoko, vanomiswa pamberi pedare redzimhosva muBulawayo vachipomerwa mhosva yekuita zvehuori dare iri richibva ravapa mukana wekubvisa chiuru chemadhora semari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo.

Zanu PF yoparura hurongwa hwemakomishina akasarudzwa kubva mubato reZanu PF kuti aferefete huori huri kunzi huri muZanu PF uhwo hunonzi huri kubata bata vakuru vakuru mubato iri.

Vatsigiri veMDC muBulawayo vogara vakabatira hura mumaoko vachitya kupambwa nevanofungidzirwa kuti vasori.

Vateveri vemutambo wenhabvu munyika voita mafungiro akasiyana-siyana nekutambidzwa basa rehurairidzi wemaWarriors kwaJoey Antipas uyo anorairidza Chicken Inn muZimbabwe Premier Soccer League.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa kukandirana nyoka mhenyu kuri kuitika pakati pevagere munyika nevagere kunze kwenyika pamusoro pekuratidzira zvakasimba munyika zvisineyi kuti mapurisa nemauto anenge aine zvombo mumigwagwa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Misoro yeNhau, Chitatu, Nyamavhuvhu 21 2019
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG