Zvakabuda mukomisheni yaVaKgalema Motlanthe iyo yakaita tsvagiridzo yemhirizhonga yakaona vanhu vachipfurwa nemasoja muna Nyamavhuvhu zvozeyiwa nedare reparamende mushure mekunge MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa yaisa chikumbiro ichi.
Matare edzimhosva emuSouth Africa oburitsa gwaro rekuti mudzimai wevaimbove mutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, vasungwe zvichitevera kuwanikwa vaine mhosva yekukuvadza tsvarakadenga yemuSouth Africa, Grabriella Engels
Dare remakurukota rinoti mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, ndivo vachange vachibata nyaya yavana chiremba vari kuramwa mabasa.
Vanorarama neHIV/AIDS votadza kuwana mushonga inovakwanira inoderedza marwadzo anokonzerwa neHIV/AIDS, kana kuti Anti-Retrovial Drugs.
Zanu PF yoita hurongwa hwekukwezva vari kunze kwenyika kuitira kuti vadzoke kumusha kuzobatsira kusimudzira nyika.
Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa hurongwa hwekukwezva vari kunze kwenyika kuitira kuti vabatsire mukuvaka nyika sezvo vari kunze kwenyika vaine ruzivo rwakakosha.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum