Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Mbudzi 30, 2021 


Misoro yenhau

Munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid nezuro, uye vanhu mazana maviri nemakumi matatu nevashanu vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuyambira kuti tarisiro yehurumende yekuti hupfumi hwenyika gore rinouya huchakwira nezvikamu zvishanu nezviga zvishanu kubva muzana kana kuti 5.5% ichakanganiswa zvikuru nedambudziko redenda reCovid-19.

Sangano reCrisis In Zimbabwe Coalition raendesa gwaro renyunyuto kuhurumende, paramende, komisheni inoona nezvekuchengetedzwa hwekodzero dzevanhu pamwe nesangano reFinancial Action Taskforce (FATF) richitsutsumwa pamusoro pebhiri rePrivate Voluntary Organisation Amendment Bill iro rinoti rine chinangwa chekudzivirira masangano anoshanda akazvimirira kushandiswa nevanopfurikidza mwero pakushandisa mari pamwe nekuita zvematongerwo enyika.

America, iyo inoti iri kufara nekutsigira Zimbabwe zvirongwa zvayo zveHIV/AIDS, inoti Zimbabwe inofanirwa kuisa mari parutivi kuitira kuti akwanise kurwisa denda iri pachayo.

Mamwe madzimai anorarama nekuita zvebonde kuKariba neChirundu anoti anosangana nedambudziko remhirizhonga uye haachawana mari yakawanda munguva ino yeCovid-19 zvichienzaniswa nenguva yekare kusati kwave nedenda iri.

Chimwe chrongwa chiri kuitwa nesangano reInternational Committee of the Red Cross chiri kubatsira vamwe vanhu vanenge vasingachaziikanwi kuti varipi, mushure mekuenda kunoshava kuSouth Africa, vabatanidzwe nehama dzavo.

Muchirongwa cheThe Connection na 8pm tiri kutarisa zuva reWorld AIDS Day, iro riri kucherechedzwa mangwana.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG