Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chipiri, Zvita 29, 2020 


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Zvita 29, 2020

Vanhu vashanu vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi pamazana matatu nemakumi mashanu nevana.

Zifa inozivisa kuti vatambi vechikwata chema Warriors vapfumbamwe vakabatwa nechirwere cheCovid-19.

Nyanzvi mune zvehutano dzopembedza danho reSouth Africa rekukwidziridza matanho ekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19, dzichiti Zimbabwe inofanirwawo kutora danho rakadai pachitariswa kufamba kunoita veruzhinji pakati penyika mbiri idzi.

Vakambomiswa basa sameya weHarare, VaJacob Mafume, voramba vari mujeri zvichitevera danho ratorwa nedare repamusoro rekuda kutanga razeya magwaro ari mudare risati rapa mutongo waro pachikumbiro chekuti VaMafume vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Mapurisa akarova vanhu kuMashonaland West oramba kuvhura madhoketi evanhu vari kumhang’ara mhosva idzi.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki uye vachitarisa mamiriro anga akaita zvinhu muna 2020.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm .pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG