Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chipiri, Ndira 05, 2021 


Misoro yeNhau

Vanhu vana vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi pamazana matatu nemakumi masere nevana.

Mutemo weNational Lockdown Level Four unotanga nhasi munyika yose vanhu vakawanda vachichema chema nekusajeka kwemitemo yechirongwa ichi.

Veruzhinji vanotevedzera chiga chemitemo yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 muBulawayo asi vakawanda vachichemachema kuti lockdown iyi ichavasiya vari munzara.

Matare anoti acharamba achishanda munguva yeLockdown Level Four, asi anenge achinzwa nyaya dzinoda kunzwikwa zvechimbi chimbi.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuyambira kuti hupfumi huchaderera zvakanyanya gore rino nekuda kwekurudziro yekuti vanhu vagare mudzimba kudzivirira kupararira kweCovid-19 hurumende ichiita zano ndega.

Vagari vemudunhu reGeorgia muAmerica vopinda nhasi musarudzo yezvigaro zviviri zveseneti iri kudzokororwa, kana kuti runoff, iyo yakakosha zvikuru pakati pemapato eRepublican Party neDemocratic Party, sezvo bato richakunda richave nemasimba mudare reseneti.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa dambudziko rechirwere cheCovid-19 pamwe nechirongwa cheNational Lockdown Level Four chatanga muZimbabwe nhasi..

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm .pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG