Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, China, Zvita 31, 2020 


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vanhu mazana matatu vakabatwa nechirwere cheCovid-19 munhu mumwe chete akafa nezchirwere ichi nezuro zvave kuratidza kuti chirwere ichi chadzoka zvine ukasha.

Mapurisa ayambira vose vachatyora mutemo yekudzivirira denda reCovid-19 vachipemberera gore idzva kuti vachasungwa uye ati haazi kuzorega vanhu vachiita magungano asiri pamutemo sezvakaitika pakirisimasi nepaBoxing Day apo pakabatwa chibharo vasikana vakawanda mumagungano aitwa zvisiri pamutemo.

Hurumende inoti hukasha hwedutumupengo re Chalane hwadzikira kunyange hazvo munzvimbo dzakawanda dzichange dziine mvura shoma inenge ichinaya.

Asi vagari vekuManicaland vanoti vanoda rubatsiro rwakakwana zvichitevera kuwirwa kwavakaitwa nedutumupengo iri.

Veruzhinji vanoti gore ra 2020 ranga rakaoma zvikuru uye vari kutarisa gore idzva kuti ringe riri nani

Vezvematongerwo enyika votarisa zvakabuda mugore ra2020 pamwe nezvavanotarisira muna 2021 munyaya dzakasiyanasiyana kubva kune zvematongerwo enyika kusvika kunyaya dzezvehutano pamwe nebudiriro.

Muchirongwa cheWomen’s RondTable na8pm tiri kutarisa mamiriro anga akaita zvinhu muna 2020 pamwe nekunzwa shuviro yemadzimai mugore idzva ra 2021.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG