Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Mbudzi 18, 2021 


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Munhu mumwe chete akafa nechirwere che Covid-19 nezuro, uye vanhu makumi mashanu nevaviri vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Mufundisi ane mukurumbira munyika, Pastor Tapiwa Freddy, vasungwa nemapurisa vachipomerwa mhosva yekubata chibharo mumwe mudzimai.

Sangano reUnicef rinoti vechidiki vanofanirwa kuva pamberi mukurwisa kushanduka kwemamiriro ekunze senzira yekuchengetedza remangwana ravo rakanaka.

Mapato eZanu-PF neMDC Alliance ari kupokana panyaya yekuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vazadzikisa here zvavakavimbisa makore mana adarika pavakatora chigaro kubva kuna mushakabvu VaRobert Mugabe vakabvutirwa masimba nemauto.

Kuramwa mabasa kwenhengo dzesangano revarairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe kunopinda muzuva rechina, sangano iri richiti dzimwe nhengo dzaro dzinosanganisira munyori mukuru VaRobson Chere, dzave kutyisidzirwa nevanofungidzirwa kuti vasori pamwe nenhengo dzebato reZanu PF.

Botswana inoti yakawedzera mari dzinobhadharwa nevanhu kuti vapihwe mvumo yekushanda nekugara munyika iyi, asi vakawanda vachiti mari iyi yakawanda zvikuru.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na 8pm tiri kutarisa matambudziko ari kusangana nevanhukadzi muhupenyu hwavo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG