Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chitatu Gunyana 07, 2016


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Dare repamusoro rinosendeka parutivi mutemo wekurambidza vanhu kuratidzira muguta reHarare.

Komisheni inoona nezvekodzero dzevanhu yeZimbabwe Human Rights Commision nhasi yazivisa kuti ongororo yayakaita inoratidza kuti vanhu vemapato anopikisa vari kunyimwa chikafu, mbeu nezvekurimisa nevashandi vehurumende pamwe nevatsigiri vebato riri kutonga reZanu PF.

Chirongwa chekubvisa nyanga dzezvipembere chinopetwa mumasango akachengetedzwa kana kuti maNational Parks.

Zanu-PF Yoita musangano wayo wePolitburo ichizeya nyaya dzezvehupfumi nekuratidzira kuri kuitwa munyika.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvozeya nyaya yekodzero dzekuvhota vari kunze kwenyika.

Muchirongwa cheLiveTalk-Diaspora Forum na8.00 pm tiri kutarisa nyaya yekuvhota kwezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 6065, ne 15460 KiloHertzs.

Musakanganwe kutifarira paFacebook.

Misoro yeNhau, Chitatu Gunyana 07, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG