Zimbabwe inocherechedza zuva rekubatana nerunyararo mapato anopikisa achiti National Unity Day inofanirwa kuva yemunhu wese kwete yeZanu PF chete….
Nhengo yeZanu PF Central Committee, Senator Aguy Georgias, vanovingwa kuHeroes Acre, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachivarumbidza segamba rairwisa mabhanga anoda kubiridzira veruzhinji…
Zimbabwe yosimudzira kushandiswa kwemari yekuChina kutanga gore rinouya senzira yekuti nyika ikwanise kubhadhara zvikwereti zvayo zvekuChina pamwe nekusimudzira kutengeserana kwenyika mbiri idzi…
Imwe shoroma yopinda mudariro rekubatsira Zifa nemari inosvika miriyoni imwe chete yemadhora…
Muchirongwa chevechidiki, The Connection, tiri kutarisa zvinoitwa nevechidiki mukuzvisimudzira….
Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 13860 ne 15460 kilohertzs pa shortwave kana paFacebook page yedu yeVOAShona.