Sangano reWorld Health Organization royambira kuti mhando itsva yechirwere cheCovid-19 yeOmicron inogona kukonzera hurwere hwakanyanya pasi rose.
Bazi rezvehutano rinoti nezuro hakuna munhu akafa nechirwere cheCovid-19 munyika asi vanhu makumi mana vakawanikwa vaine chirwere ichi.
Tichatarisawo kubatwa neCovid-19 kwakaitwa vanhu vakawanda vari kudzidzira basa rehurairidzi paMasvingo Teachers College.
Mukuru weZimbabwe Investment and Development Agency VaDouglas Munatsi vashaya nhasi mushure mekutsvira mumba muHarare. Mapurisa anoti achiri kufereferata nyaya iyi.
Mamwe madzimai aishungurudzwa nevarume mudzimba owana chouviri kuburikidza nekuchengeta huku dzekutengesa.
Bato reMDC Alliance rinoti mapurisa kuBiriri kuChimanimani mudunhu reManicaland arambidza kuitwa kwemusangano wehutungamiri hwedunhu diki kana kuti Distirct Executuve wanga uchida kuitirwa mu Ward 17 nhasi.
Mutambi wenhabvu weChikwata cheTriangle Ronald Mudimu akashaya nezuro mushure mekurwara nechirwere chekuoma mutezo.
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa nyaya yechirwere cheCovid-19 uye kurambidzwa kwezvizvarwa zvenyika nevamwe muAfrica kushanyira dzimwe nyika nekuda kwemhando itsva yeCovid-19 yakatanga kuwanikwa muSouth Affrica.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Facebook Forum