Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro 21 Gumiguru, 2019


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Nhengo dzemakereke anodarika mazana matatu dzinoungana kumuzinda weState House pakuparurwa kwechirongwa chekunamatira nyika, icho chiri kutungamirwa nemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Auxilia Mnangagwa.

Vanorarama nekutengesera mumigwagwa gumi vakasungwa svondo rapera vachipomerwa mhosva yekuve nechekuita neheremeti dzemapurisa dzakawanikwa pa Robinson House muHarare vanopiwa mukana wekubvisa mari yechibatiso inoita zana remadhora pamunhu.

Bazi rehutano roronga kuparura chirongwa chekudzidzisa vashandi vehutano vemuzvipatara zvehurumende kuti vazive mutauro wemaoko senzira yekurerutsa dambudziko ravanosangana naro kana vachinge vashanyirwa nevarwere vanoshandisa mutauro wemaoko.

Nhasi tiri kutarisa pamusoro pehurongwa hwesangano re sadc hwekubatana neZimbabwe pakukurudzira kuti zvirango zvinonzi zvakatemerwa nyika nevekumawirira zvibviswe. SADC yakatara musi wa 25 Gumiguru sezuva rekurwira kubviswa kwezvirango izvi.

Chikwata chenhabvu chenyika chemaWarriors chinobudirira kuenda kumafainari e 2020 Africa Nations Championships (CHAN) asi vamwe vatsigiri venhabvu vaine mibvunzo.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa nezve hurongwa hwegungano renyika dziri muSADC hwekubatana neZimbabwe neChishanu chino pakurudziro yekuti zvirango zvinonzi zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzekumawirira zvibviswe.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG