Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro Kukadzi 10, 2020


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Hurumende inoti yave nezvese zvinodiwa mukuongorora chirwere che coronavirus, ukuwo kanzuru yeHarare ichiti yachenesa chipatara che Wilkins kuti chinge chichigamuchira vanenge vachifungidzirwa kuti vabatwa nechirwere che coronavirus, kana vanenge vabatwa nacho.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanoudza musangano weAfrican Union kuAddis Ababa, Ethiopia, kuti kutaurirana ndiko chete kunounza runyararo nekushanda pamwe munyika, kwete zvirango zvavanoti zvakatemerwa nyika nevekumadokero.

Kusawirirana mubato reMDC mudunhu reMasvingo zvichitevera kumbomiswa basa kwehutungamiri hwedunhu huchipomerwa mhosva yekusashanda nesimba kwotyirwa kuti kunganotsemura bato iri.

Vanotengesa mumigwagwa zviri kunze kwemutemo vasvera vachiita hwakitsi nagonzo nemapurisa ekanzuru nhasi muChinhoyi vachitandanisana vachiramba kubviswa pavanotengesera, ukuwo vanotengesera muzvitoro vachivharirwa mashopu avo nekutadza kubhadhara mari itsva dzegore rino.

Kanzuru yeguta reGweru yatora danho rekuderedza mitero yayaive yakwidza mubhajeti yayo yegore rino zvichitevera kuchema-chema kwevagari kuti mitero iyi yaive yanyanya kukwira.

Nyanzvi dzehutano hwemazino dzokurudzira veruzhinji kuti vageze mazino avo kaviri kana katatu pazuva kuitira kuti asabate zvirwere.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8:00pm nhasi manheru, tiri kutarisa nezvegwaro rakaburitswa neRAND CORPORATION riri pamusoro pemamiriro ezvinhu muZimbabwe pamwe nezviri kuitika kumusangano weAfrican Union.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Misoro yeNhau, Muvhuro Kukadzi 10, 2020
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG