Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chishanu Mbudzi 27, 2020


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti vanhu zana negumi nevashanu, kana kuti 115, vakawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 munyika yose mushure mekuvhenekwa kwevanhu chiuru nemazana manomwe nemakumi manomwe, kana kuti 1770.

Meya veguta reHarare, VaJacob Mafume vebato reMDC Alliance, avo vakasungwa neChitatu, vomiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekushandisa hofisi yavo zvisizvo.


Vanhu voita maonero akasiyana pamusoro pebhajeti renyika regore rinouya rakaturwa
nezuro negurukota rezvemari VaMthuli Ncube.

Vamwe vagari vemuBulawayo vari kuramba vari panjodzi yekubatwa
nezvirwere zvemudumbu sezvo vari kushandisa mvura yemumatsime isina
kucheneswa nekuda kwekuendera kwedambudziko rekushaikwa kwemvura.

Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vanoti vakagadzirira kubuda pamuzinda weWhite House kana vanosarudzwa nematunhu kunovhotera mutungamiri wenyika, kana kuti Electoral College, vakadoma vakasarudzwa semutungamiri wenyika, VaJoe Biden.

Vateveri venhabvu muZimbabwe havasi kusarira mukuchema mutambi wenhabvu wekuArgentina akaita mukurumbira unotyisa pasi rese, Diego Armando Maradona, uyo akaradzikwa nezuro kuBuenos Aires kuArgentina.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa zviri kuitika munyika munyaya dzeCovid-19 uye tichatarisawo zviri kuitika muAmerica pakutambidzanwa kwemasimba mushure mekupera kwesarudzo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG