Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chishanu Zvita 04, 2020


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti vanhu vatatu vakafa uye zana nemakumi masere nemumwe, kana kuti 181, vakawanikwa vaine chirwere checovid-19 munyika yose.

Vamwe vagari vekuPenhalonga mumusha weTsvingwe, kuOld West muMutasa South mudunhu reManicaland vari kuchema-chema nenyaya yekusvibisirwa mweya wavanofema zvichitevera mabasa ekucherwa kwegoridhe ari kuitwa kunharaunda iyi zviri kunze kwemutemo nemakorokoza.

Hurumende dzeZimbabwe, Botswana neSouth Africa dziri kutarisirwa kusainirana chibvumirano chekuchengetedzwa kwemhuka dzesango dzinowanika munzvimbo yeGreater Mapungubwe Transfrontier Conservation Area mukutanga kwegore rinouya.

Vateveri venhabvu muEngland vari kudzoka mudzinhandare kunoona mitambo svondo rino panguva iyo FC Platinum iri kuda kupedzisa chikwata cheCosta do Sol chekuMozambique mumutambo weCAF Champions League.

Muchirongwa chedu cheLivetalk na 8 pm nhasi, tiri kutarisa kupararira kwechirwere cheCovid-19, sarudzo dzeDCC dziri kutarisirwa kuitwa nebato reZanu PF mukupera kwesvondo, pamwe nezviri kuitika mushure mesarudzo dzemutungamiri wenyika yeAmerica .

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG