Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chishanu Ndira 08, 2021 


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vanhu gumi nevashanu vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi pamazana mana nemakumi mana nevatanhatu chete.

Dzimwe nyanzvi dzezvehutano dzokurudzira hurumende kuti iwedzere huwandu hwevanhu vari kuvhenekwa kuona kana vane chirwere cheCovid-19 pazuva, uye kuti hurongwa uhwu huitwe pachena, vachiti vanhu vashoma kwazvo vanokwanisa kuwana mari yekunze inodiwa pakuvhenekwa kana uine hutachiwana hunokonzera chirwere ichi.

Mapato ezvematongerwo enyika emuZimbabwe ari kushora zvikuru mhirizhonga yakaitika paCapitol Hill muWashington achiti zvakaitika izvi hazvaitarisirwa kuitika munyika yakaita seAmerica.

Vanhu voramba vachiona ndondo pamuganhu weZimbabwe neSouth Africa uri paBeitbridge vazhinji vavo vachiti vapedza mazuva akawanda vari mumitsetse.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyaya dzeCovid-19 pamwe nezviri kuitika muAmerica.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm .pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG