Ini ndini Marvellous Mhlanga-Nyahuye ndichiti heyino misoro yenhau dzanhasi Muvhuro, Zvita 21, 2015
Bato guru rinopikisa reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti hapana chekupemberera zuva rekubatana munyika sezvo muZimbabwe musina runyararo rwunoita kuti vanhu vagare vakasununguka….
Murairidzi wechikwata chema Warriors, Callisto Pasuwa, anoti haasi kudzokera pabasa rake kudzamara Zifa yamukumbira ruregerero, uye yagadzirisa zvose zviri kunetsa pakati pake nesangano renhabvu iri….
Veruzhinji voshushikana nezviri kuitika muZanu PF umo mava kugara makaridzwa mhere nenyaya yekudzingana, kupumhana huroyi, uye kupindira kwemauto, vasori nemapurisa munyaya dzematongerwo ebato iri….
Muchirongwa cheLiveTalk, tiri kukurukura pamusoro pezviri kuitika muZifa panguva iyo Zimbabwe iri kufanirwa kugadzirira zvakasimba makwikwi eChan achaitirwa kuRwanda mwedzi unouya….