Munhu mumwe chete akafa nechirwere che Covid-19 nezuro, uye vanhu makumi matatu nevana vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.
Mutori wenhau ane mukurumbira munyika, Peter Banga, anoradzikwa zvine mutsindo kumusha kwake kuHwedza hama neshamwari dzichimurumbidza semunhu aigarisana pamwe nekushanda zvakanaka nevamwe.
Sangano reWorld Food Program, richibatsirwa nehurumende yeIndia, rinobatsira varime vekuChiredzi neMangwe mudunhu reMasvingo nembeu dzinoita zvakanaka mumwaka wekushaikwa kwemvura yakakwana.
Bhanga guru rinokweretesa mari nyika dzepasi rino reInternational Monetary Fund rinoti harisi kuzokweretesa Zimbabwe mari sezvo iine zvikwereti zvakawanda kunze zvairi kukundikana kubhadhara. Zimbabwe ine chikwreti chinosvika mabhiriyoni gumi kunze.
Hurumende yeBotswana inokwidza nezvikamu makumi matnhatu nezvinomwe zvemari inobhadharwa nezvizvarwa zvedzimwe nyika zvinenge zvichida kugara nekushanda munyika munyika iyi zviri pamutemo.
Nhasi tiri kutarisa nyaya yemagwaro anobvumidza zvizvarwa zveZimbabwe kugara nekushanda muSouth Africa zviri pamutemo ayo ari kuguma kushanda mukupera kwegore rino, mamwe masangano nemapato ezvematongerwo enyika munyika iyi achiti magwaro aya haafanirwe kumutsiridzwa, asi mutungamiri webato rinopikisa, re Economic Freedom Fighters, VaJulius Malema, vachishoropodza masangano nemapato aya.
Gweta reZifa, VaChenaimoyo Guriro, vanoti havatenderane nezvikonzero zvakapihwa nesangano reSports and Recreation Commission zvskudzinga bhodhi reZifa vachiti hazvina nematuro ose..
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa kana zvinosangana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.
Facebook Forum