Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro, 06 Zvita, 2021 


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Mukuru anoona nezvekurwisana nedenda reCovid-19 munyika, Dr. Agnes Mahomva, vanoti pari zvino vashanyi vari kupinda munyika vasingamanikidzwe kuvhenekwa zvekare Covid-19 nekumbogariswa kwavo vega kwemazuva gumi sezvo bazi rezvehutano richiri kukwenenzvera zvinoda kuitwa zvacho.

Bazi rezvehutano rinoti munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 nezuro vamwe mazana mashanu nemakumi maviri nevatatu vakawanikwa vainacho.

Nyazvi munyaya dzezvehutano dzotarisirwa kuvheneka mutumbi wemurwiri wekodzro dzevanhu VaDewa Mavhinga kuti dzione kuti chii chakakonzera rufu rwavo.

Dare repamusoro rinochenura mutori wenhau Hopewell Chin’ono panyaya yaange achipomerwa yekukurudzira vanhu kuita mhirizhonga.

Pamusangano nesangano reZimbabwe Human Rights Commission, vamwe vagari voratidza kushaya ruzivo nezvekodzero dzavo.

Vanorarama nechirwere cheHIV/AIDS vanoti denda reCovid-19 rave kupa kuti hurumende nemamwe masangano vashaye mari yekuvabatsira mukuwana mishonga.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa mhando itsva yeCovid-19 yeOmicron uye kushaya kwemurwiri wekodzero dzevanhu VaDewa Mavhinga.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG