WASHINGTON —
Mitambo ye Shoko Festival yatanga neChipiri muHarare.
Vanyori, vananyanduri, vaimbi nevamwe vanoita zvemitambo yakasiyana siyana vachiri vanga vachiri kusvika munyika manheru eChipiri.
Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko musangano iri, VaTafadzwa Sharaunga, vanoti veruzhinji vachafadzwa zvikuru nemitambo ichatanga neChitatu munzvimbo dzakasiyana siyana dzinosanganisira Water World iri kuEastlea ne Book Café.
VaSharaunga vanoti pari zvino havasati vave neruzivo rwekuti vanhu vangani vasvika munyika vabva kunze kwenyika kunyange hazvo vanga vachitarisira vanhu vanodarika mazana maviri.
Mitambo iyi iri kutitwa pasi pedingindira rinonzi “We The People” senzira yekuyedza kubatanidza veruzhinji zvichitevera sarudzo dzakaitwa munyika.
Chirongwa ichi chave mugore rechitatu chichitwa.
Mumwe muimbi wekwaMutare, Kudakwashe Muchinguri, uyo anoimba dzimbo dzemusamba we rap achizivikanwa nezita rekuti, "Kritic Ingwe" anoti ari kutarisira kudzidzisa vachidiki kukosha kwakaita chipo chekuimba. Muchinguri anoti achadawo kudzidza kubva navananyanduri nevaimbi vekune dzimwe nyika.