Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inoumba Komiti yeCurrency Stabilisation Task Force


VaMthuli Ncube.
VaMthuli Ncube.

Bazi rezvemari, richishanda nebanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe (RBZ), raparura matanho arinoti achaita kuti mari yemuZimbabwe isarambe ichishaya simba zvakanyanya sezviri kuitika pari zvino.

Vachitaura vevatori venhau, gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vati vatora matanho ekuumba Currency Stabilisation Task Force zvichitevera kushaya simba kwemari yemuno zvakanyanya mukati memazuva mashomanana apfuura.

Matanho atorwa anosanganisira kuti mabhanga atengeserane mari yekunze pachena uye kuti musika uve iwo unodzika mutemo wemari iyi.

Komiti iyi ichange ichishanda iri pasi pebazi rezvemari, uye ichange ichipindwa nebhanga guru renyika, nhengo Presidential Advisory Committee pamwe nenhengo dzeMonetary Policy Committee.

VaNcube vatiwo vachavandudza mabasa emaBureaux de Change kuitira kuti akwanise kutenga mari yakawanda pane yaari kutenga pari zvino.

Rimwe danho ratorwa nehurumende rinosanganisirawo kuona kuti vanhu havashandise Eco Cash kuita basa rekuchinja mari pamusika mutema.

Gavhuna weRBZ, Dr John Mangudya, vanoti kana matanho aya akatorwa nemazvo, zvinhu zvinogona kugadzikana pamusika wemari.

Vaenderera mberi vachiti semaonero avo pane zvimwe zvinhu zvisinei nemari zviri kuita kuita kuti mari yemuno irambe ichishaya simba.

VaMangudya vatiwo vachagara pasi nemakambani emafoni anoshandiswa kutumira mari kuitira kuti vaone kuti haasi kushandiswa kuita zvekuchinja mari here pamusika mutema.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi, VaPersistence Gwanyanya, vaudza Studio7 kuti zviri pachena kuti mafoni ari kushandiswa kukurudzira mabasa ekuchinja mari pamusika mutema.

Sezvo VaNcube vati hurumende yakawana mari yakawanda kudarika yayaitarisira gore rapfuura nemabhiriyoni matatu emadhora, VaGwanyanya vati vanobvumirana naVaMangudya kuti pane zvimwe zviri kukonzera kukwira kwemutengo wemari pamusika mutema.

Vanoongorora nyaya dzehupfumi vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vaudza Studio7 kuti kunyange matanho atorwa nebazi rezvemari neRBZ akanaka, anogona kutadza kubudirira sezvo vanhu vasisina vimbo nehurumende iripo.

Mari yemuZimbabwe yange iri kushaya simba zvakanyanya mukati memasvondo mashomanana apfuura zvekuti nhasi chaiko pamusika mutema dhora rimwe rekuAmerica range richitengwa nemadhora makumi mana emuZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG