Accessibility links

Breaking News

Dr Portia Manangazira Vanonyimwa Mukana Wekuti Vabvise Mari yeChibatiso


Dr Portia Manangazira
Dr Portia Manangazira

Dare ramejasitiriti remuHarare ranyima mukuru anoona nezvezvirwere zvinotapuriranwa mubazi rezvehutano, Doctor Portia Manangazira, mukana wekubhadhara mari yechibatiso pamhosva yavari kupomerwa yekushandisa basa ravo zvisiri izvo.

Mutongi wedare, Amai Bianca Makwande, vatura mutongo wekuti Doctor Manangazira varambe vari mujeri vachiti vakapihwa mukana wekutongwa vachibva kumba kwavo vanogona kuvhiringidza vafakazi kufambiswa kwenyaya iyi.

Amai Makwande vati Doctor Manangazira vachiri kushanda mubazi rezvehutano, nokudaro vanogona kunovhiringidza humbowo kubazi iri uye vati vamwe vafakazi ihama dzavo dzinosanganisira baba vavo saka vati hazvikodzere kuti vaburitswe muhusungwa.

Rimwe remagweta avo, VaTatenda Mhishi, vati vachakwidza nyaya iyi kudare repamusoro nechinangwa chekuti Doctor Manangazira vatongwe vachibva kumba kwavo.

Hurumende inoti Doctor Manangazira, avo vakasungwa nemusi weSvondo, vakashandisa mari inoda kusvika mazana masere ezviuru zvemadhora ekuAmerica yakanangana nekurwisana kwechirwere Covid 19 vakapa hama dzavo makumi maviri nesere basa zviri kunze kwemurawu.

Amai Makwande vati Doctor Manangazira vagodzoka kudare musi wa9 mwedzi unouya.

Mune imwewo nyaya yanga iri mumatare, mumwe muzvinabhizimusi wekuPakistan, VaAli Mohamad, avo vakasungwa pamwe chete nemutungamiri wesangano reZimbabwe Miners Federation, Muzvare Henrietta Rushwaya, nemhosva yekunzi vakaedza kuburitsa munyika zviri kunze kwemutemo goridhe rairema makirogiramu matanhatu, vasvitsa chikumbiro kudare chekuti vapihwe pasipoti yavo vachiti vari kuda kuenda kuSouth Africa kunoita misangano yezvemabhizimusi.

Asi vachuchisi vehurumende vanga vachipikisa chikumbiro ichi vachiti VaMohamad vanogona kusadzoka kuti vatongwe sezvo vasiri chizvarwa chemuZimbabwe.

Nyaya yegoridhe iyi yakambobatabata zita remudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Auxillia Mnangagwa, uye yakakonzerawo kusungwa kwemapurisa maviri nevasori vaviri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG