Accessibility links

Breaking News

VaDouglas Tapfuma Vanonyimwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso


ZACC Chairperson Justice Loice Matanda Moyo
ZACC Chairperson Justice Loice Matanda Moyo

Mumwe mukuru mukuru muhofisi yemutungamiri wenyika nedare remakurukota, VaDouglas Tapfuma, vamiswa pamberi pedare ramejasitiriti nhasi vachipomerwa mhosva nhatu dzehuori.

Muchuchisi wenyaya iyi, VaCharles Muchemwa, vaudza dare kuti VaTapfuma vakashandisa masimba avo zvisirizvo pavakakonzeresa kutengwa kwemotokari nomwe kubva kuSouth Africa dziri muzita rehurumende asi vakazodzishandisa sedzavo.

VaMuchemwa vati motokari dzose idzi dzakakonzera kuti hurumende irasikirwe nemari inoita madhora ekuAmerica zviuru gumi nechimwe nemazana mapfumbamwe nemakumi matatu nenhanhatu (US$11 936) sezvo pasina kubhadharwa mari yekupinza motokari idzi munyika kana kuti import duty.

Rimwe remagweta aVaTapfuma, VaEsau Mandipa, vaudza dare pavanga vachikumbira mukana wekuti musungwa abhadhariswe mari yechibatiso kuti VaTapfuma vari kuramba mhosva yavari kupomerwa sezvo vachiti motokari idzi ndedzehurumende sezvo mapepa ekuti dzisabhadhare mari yekupinzwa munyika akasainwa nemunyori mukuru muhofisi yemutungamiri wenyika pamwe nedare remakurukota, VaMisheck Sibanda.

Mupurisa ari kuferefeta nyaya iyi achishanda nekomisheni inorwisa huori yeZimbabwe Anti Corruption Commission, VaTimothy Guta, vaudzawo dare kuti VaTapfuma havafanire kubuditswa muhusungwa sezvo vachiti vachiri kuvaferefetwe nenyaya yekupinzwa kwedzimwe motokari munyika dzinodarika zana vachishandisa chinzvimbo chavo zvisirizvo.

Vati VaTapfuma, avo vave Chief Director Monitoring and Evaluation kuhofisi yemutungamiri wenyika, vanogona kuvhiringidzana nevafakazi vasina kudomwa mudare uye vanogona kusazomirira kana vakapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso sezvo vachiti humbowo huri kuvaroverera huri fararira.

Asi mutongi wedare, VaHosea Mujaya, vatura mutongo wekuti VaTapfuma varambe vari muhusungwa sezvo vachiti vanogona kuvhiringidzana nevafakazi zvisinei nekuti havachashanda kuState House.

Zvaturwa nedare zvatsinhirwa nerimwe remagweta aVaTapfuma, VaValentine Mutatu.

VaMutatu vati vave kukwidza nyaya iyi kumatare epamusoro.

VaMujaya vati VaTapfuma vadzoke musi wa15 Nyamavhuvhu pachaenderera nyaya iyi Mberi.

VaTapfuma vakambodomwawo munyaya yehuori kukambani yemarasha yeWankie Colliery uko kunonzi kwakashayikwa mamiriyoni matanhatu emadhora ekuAmerica.

VaTapfuma ndivo vave musungwa wechipiri anove mukuru muhurumende asungwa nenyaya yehuori kubva pakagadzwa komisheni itsva yeZacc nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa musi waChivabvu 30, 2019.

Asi MDC yakaburitsa mashoko ekuti komisheni iyi, iyo inotungamirwa naAmai Loice Matanda Moyo, vanove mudzimai wegurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, haina mazino.

VaMoyo, ndivo vakabuda pachivhitivhiti muna Mbudzi 2017 vachizivisa nyika kuti mauto ainge opindira mune zvematongerwo enyika zvakazokonzeresa kuti vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasiye basa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG