Accessibility links

Breaking News

Vana Chiremba Vakuru Voyambira Hurumende Kuti Igadzirise Zvinetswa Zvose


Zimbabwe Doctors Presser
Zimbabwe Doctors Presser

Vachitaura nevatori venhau muHarare, munyori mukuru musangano reZimbabwe Medical Association, VaSacrifice Chirisa, vati vatambira tsamba kubva kuna vana chiremba vakuru kana kuti ma consultant doctors yekuti vave kuzokandawo mapadza pasi kana hurumende isina kugadzirisa zvichemo zvana chiremba vadiki avo vari kuramwa mabasa.

VaChirisa, avo vanove zvakare chiremba mukuru, vati basa rawandira vana chiremba vakuru sezvo vana chiremba vadiki vave nemwedzi vachiramwa basa.

VaChirisa vati kuti vakwanise kuita basa ravo nemazvo, vanenge vachitoda vana chiremba vadiki vachishanda vari parutivi pavo.

VaChirisa vati chiri kunyanya kurwadza kutambudzika kuri kuita varwere muzvipatara zvehurumende sezvo vana chiremba vadiki vasiri kuenda kumabasa uye vana chiremba mazana mashanu nemakumi mashanu nevatatu vakambomiswawo basa zvichitevera danho rekuendesa vana chiremba ava kumatare rakatorwa nebhodhi rezvehutano reHealth Services Board.

Munyori mukuru musangano reZimbabwe Hospital Doctors Association, VaMthabisi Anele Bhebhe, vatiwo havasi kufara nemashoko akataurwa nezuro nevakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, ekuti vana chiremba vadiki vachiri vana vechikoro.

VaChiwenga, avo vakadomwa nedare remakurukota ehurumende kuti vatungamire nhaurirano pakati pehurumende navana chiremba vari kuramwa mabasa ava, vakambodzinga vana mukoti mabasa mushure mekuramwa mabasa.

Zvavakaita izvi zvakashorwa nevakawanda avo vaiti VaChiwenga vaishandisa chisoja pazvinhu zvinoda nhaurirano.

Vana chiremba vadiki vanoti vari kuda kuti hurumende ivape michina yekushandisa muzvipatara, mishonga pamwe nembatya dzekuzvidzivirira kana vari pabasa pamwe nekuwedzerwa mari dzemihoro idzo dzavanoti dzakafanana nemutero wembwa.

Asi hurumende inotiwo homwe yayo yakabooka zvekuti haikwanise kuvawedzera mari.

Hatina kukwanisa kunzwa divi regurukora rezvehutano, VaObadiah Moyo, sezvo vabva vapinda mumusangano navana chiremba panguva yatanga toenda pamhepo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG