Dare reSenate ratambira kuvandudzwa kweConstitutional Amendment Bill Number 2 zvichitevera kuvhota kwemaseneta makumi matanhatu nemashanu achitsigira bhiri iri, ukuwo maseneta gumi achiripikisa.
Mutevedzeri wemutungamiri weSenate, VaMike Nyambuya, ndivo vazivisa dare reSenate zviri pamutemo kuti Constitutional Amendment Bill Number 2 rapasa pachitevedzwa bumbiro remitemo yenyika.
Dare reSenate rine nhengo makumi masere uye nhengo shanu dzange dzisiri mudare nhasi.
Dare reZanu PF rine nhengo makumi matatu neina, MDC iine nhengo makumi maviri nenhanhatu kusanganisira nhengo imwe chete yakapinda iri kudivi kwaMuzvare Thokozani Khupe, uye madzishe ari gumi nemasere.
Pange pachidiwa nhengo makumi mashanu nenhatu chete kuti bhiri iri ripase.
Zvaitika nhasi zvinogona kureva kuti madzishe ese gumi nemasere, nhengo mbiri dzinomirira vakaremara pamwe nedzimwe nhengo gumi neimwe dzebato rinopikisa dzatsigira bhiri.
Sachigaro weMDC T, VaMorgan Komichi, vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo vange vaita chisungo chekuti vachapikisa bhiri iri pane vamwe vavo vari tsigira.
Asi VaKomichi vati bhiri iri rine zvimwe zvakanaka uye vanoona sekuti pane vavhota vachitarisa remangwana ravo.
Vati bato ravo richagara pasi roona kuti rotora matanho api neavo vapesana negwara remusangano.
Pachitariswa huwandu huri mudare reSenate, nhengo Zanu PF nemadzishe pamwe nenhengo mbiri dzinomirira vakaremara, dzaikwanisa kupasisa bhiri iri pasina nhengo dzeMDC.
Vachitaura mushure mekupasa kwebhiri iri, gurukota rinoona nezvemitemo neparamende, VaZiyambi Ziyambi, vatenda vese vatsigira bhiri iri.
Vati hurumende yakaona paine mikaha pabumbiro ra2013 munyaya dzakaita sekuvandudzwa kwematunhu kana kuti Devolution uye bhiri richaita kuti hurumende ichiisa mitemo yekuvandudza nekusimudzira matunhu.
Rimwe gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaNqobani Sithole, avo vakatokwira kudare reConstitutional Court vachipikisa kusandurwa kwebumbiro remitemo, vati vashamisa kuti paramende ichiendererra mberi nekuchinja bumbiro remitemo.
Vati vachataura nemagwata avo kuti vamise kusandurwa kwebumbiro kwaitwa nhasi.
VaSithole, vakaenda kudare reConstitutional Court vachida kuti dare iri ritonge kuti paramende yenyika haina kubata zvakanaka nyaya yekuvandudzwa kwebhiri remutemo weConstitutional Amendment Bill Number 1, iro rakapa hwaro hwekuvandudza Constiutional Amendment Bill number 2 vachiti hapana kutevedzwa zvinodiwa nebumbiro remitemo yenyika.
Mukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi, vaudza Studio 7 kuti hapana chinoshamisa pane zvaitika nhasi nekuti ndizvo zvavange vakatarisira.
Vati kunyange bumbiro ra2013 range risina kunaka range riri nane pane zvaitwa nhasi.
Masangano anoshanda akazvimira munyika ari kupikisa bhiri iri achiti rinopa masimba akawanda kumutungamiriri wenyika.
Zvimwe zviri kupikiswa nemasangano aya kuvandudzwa kwenguva inofanirwa kushanda nevatongi vematare edzimhsova, avo vanofanirwa kuenda kumudyandigere kana vasvika makore makumi manomwe.
Pari zvino, mukuru wevatongi vematare, VaJustice Luke Malaba, vari kufanirwa kuenda pamudyandigere musi wa 15 Chivabvu.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakasaina bhiri iri, zvinoita kuti VaMalaba vasaende pamudyandigere zviri pamutemo sezvo muytemo unenge washandurwa.
Bhiri ratambirwa nhasi rinogona kusainwa chere nguva naVaMnangagwa.
Facebook Forum