Accessibility links

Breaking News

Mamwe Madzimai emuGweru Obatsirwa neWomen’s Coalition of Zimbabwe Kuita Mabasa eMaoko


Zvimwe zvezvinhu zvinogadzirwa naAmai Jenity Chinokoro vekuGweru
Zvimwe zvezvinhu zvinogadzirwa naAmai Jenity Chinokoro vekuGweru

Panguva iyo veruzhinji vari kuomerwa nehupenyu nekuda kwekusamira zvakanaka kwezvehupfumi munyika, chimwe chirongwa chiri kuitwa nerimwe sangano rinoshanda rakazvimirira rega, chinodzidzisa madzimai kugadzira zvinhu zvakadai sesipo yekuwachisa, mafuta ekuzora, makandyera nezvimwe, chiri kubatsira kuti madzimai aya akwanise kuriritira mhuri dzavo.

Asi dzimwe nyanzvi dzinoti kusave nemitemo yakajeka uye kushaikwa kwemagetsi nemvura munyika ndizvo zvezvimwe zviri kukonzera kuti hupfumi hwenyika husasimukira.

Chiso chaAmai Jenity Chinokoro chinoratidza mufaro apo vanoratidza zvibhodhoro zvemafuta ekuzora nesipo yekuwachisa zvavanogadzira pamba pavo.

Amai Chinokoro vane makore makumi maviri nemapfumbamwe ekuberekwa. Vane vana vatatu uye vanogara mumusha unogara veruzhinji weMkoba 6 muguta reGweru.

Vanoti vakatanga kuita zvekugadzira mafuta nesipo pakutanga kwegore mushure medzidziso yavakawana kuburikidza nechikamu chemudunhu reMidlands chesangano reWomen’s Coalition of Zimbabwe, WCoZ, rinove sangano rakazvimirira rega rinoshanda mukubatsira kusimudzira madzimai.

"Ndokwandakawana kubetserwa kuti munhukadzi ave anokwanisa kuzvimirira anokwanisa kuita mabasa emawoko. Ndopandakadzidzira kugadzira sipo, petroleum jelly ma dishwashing liquid nema drink."

Amai Chinokoro vanoti vanokwanisa kugadzira tani rimwe chete resipo pamwedzi nemafuta ekuzora izvo zvavanotengesa kune vezvitoro uye kuvanhuwo zvavo.

Havana kuda kubuda pachena kuti vanowana marii pamwedzi nebasa ravo iri, asi Amai Chinokoro vanotaura pachena kuti vaimbonetsana zvikuru nemurume wavo nekuda kwekusawana mari yakakwana.

Vanoti hupenyu hwavo hwashanduka chose uye vave kukwanisa kuwana mari yekubatsira murume wavo kuriritira mhuri.

"Ndave munhu anokwanisa kuzvishandira; chero Baba vachishanda asi tinokwanisa kubatanidza mari yedu pamwe chete totokwanisa kuita zvinhu zvine musoro. Kutaura kudai takatokwanisa kutenga stand yedu uye property yemumba tiri kuwedzera tichiwedzera. Kumusha tave kutokwanisa kutumira mari kuvabereki."

Asi Amai Chinokoro vanochema-chema nerekuti kusavepo kwemagetsi nemvura zvakakwana kunovhiringidza basa ravo.

Muzvare Moleen Mutobwa vane makore makumi matatu ekuberekwa uye ndemumwe wevanhu vanoshanda nesangano reWCoZ mukudzidzisa madzimai kugadzira zvinhu zvakasiyana siyana.

Muzvare Mutobwa vakadzidzira zvekugadzira sipo nezvimwe zvakasiyana-siyana mushure mekuona chimwe chikwata chevaidzisa vanhu kuita izvi paWhatsApp, uye mumwe munhu wavanoziva ndiye akazovaudza nezvesangano reWCoZ nechirongwa charo chekudzidzisa vanhukadzi nezvemubato wemaoko.

Vanoti nemari yavanowana kubva mukudzidzisa vamwe, ivo vave kukwanisawo kugadzira zvimwe zvinhu zvakawanda. Vanotsinhirawo kuti kushomeka kwemagetsi nemvura kunokanganisa basa ravo, asi vanotiwo vanofara kuti vanoverengwa pakati pevanhu vari kukwanisa kuriritira mhuri dzavo zvisinei nekuwoma kwaita zvinhu munyika

"Mhuri yangu ini haina chainoshaiwa chainoti ichi ndochatiri kudawo chiri kuitwawo nevamwe; zvose ndiri kukwanisa kuzviita nekuda kwemubatowemawoko wandiri kuita. Uyezve ndakatokwanisawo kuregister company yangu; ndave necomany yangu."

Gwaro rakabudiswa namazvikokota wekodzero dzevanhu musangano reUnited Nations, Amai Elver Hilal, mushure meongororo yavakaita munyika muna Mbudzi rinoratidza kuti chikamu chinopfuura makumi matanhatu chevanhu vari munyika chiri kutadza kuwana kudya kwakakwana nekuda kwekusamira zvakanaka kwezvehupfumi munyika.

Amai Alice Maqatha ndivo sachigaro weWCoZ mudunhu reMidlands. Vanoti chinangwa chikuru chesangano ravo kudzidzisa madzimai kuti vazive nezvekodzero dzavo pasi pebumbiro remitemo yenyika. Asi vanoti vakaona kuti kungoita izvi chete pasina kubatsira madzimai kuti vakwanise kuriritira mhuri dzavo, hakuna zvakawanda zvakunobatsira.

VaVincent Chakunda mudzidzisi wezvidzidzo zvepamusoro zvekutongwa kwematunhu nebudiriro uye, muongorori wezvematongerwo enyika akazvimirira. Vanoti hazvishamisi kuti veruzhinji vave kurarama nemabasa akasiyana-siyana ekuzviitira nekuti maindasitiri nemakambani akawanda akavharwa nekuda kwekuwondomoka kwehupfumi.

VaDidmus Dewa vanodzidzisawo zvidzidzo zvepamusoro zvebudiriro uye, muongorori wezvehupfumi akazvimirira. Vanoti mabasa ekuzviitira pamwe nemabhizimisi madiki zvinogona kusimudzira hupfumi hwenyika kana hurumende ikazvikoshesa.

Sehuchapupu hwakapiwa nemadzimai ari kuita mabasa emaoko, zviri pachena kuti chirongwa ichi chabatsira chaizvo mukuunza hupenyu huri nani mumhuri dzavo.

Zvinoratidzawo futi kuti chirongwa ichi hachaigona kuuya panguva yakanaka kupfuura ino sezvo veruzhinji munyika vari kunetsekana nekuti vowana raramo sei?

Nyaya ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG