Hurumende inoti yasunga vamwe vanhu vatanhatu vane chekuita nenyaya iri kupomerwa vanga vari mutungamiri wesangano reZimbabwe Miners Federation, uye vari nhengo yeZanu PF, Muzvare Henrietta Rushwaya, avo vakasungwa vachida kubuda negoridhe munyika zvisiri pamutemo.
Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vaudza Studio 7 parunhare kuti vasunga vamwe vanhu vatanhatu vanoti VaAli Mohamed, VaStephen Chengerai Tserayi, VaGift Karanda, VaRaphios Mufandauya, pamwe nemapurisa maviri anoti Superintendent Shoko pamwe naDetective Chief Inspector Chimhungu.
VaTserayi vanga vachishanda vari musori anochengetedza mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, uye VaNyathi vati VaKaranda vainyepera kuzviita musori panguva yavanoti vakapara mhosva.
VaNyathi vati VaMohamad, avo vane kambani yeAli Japan 786,iyo inoita zvekutengesa motokari ndivo vakanzi naMuzvare Rushwaya ndivo vaive muridzi wegoridhe.
Vati pari zvino havasi kutaura zvakawanda sezvo vachiri kuferefeta nyaya iyi vachiti vasungwa ava vakatarisirwa kumiswa mudare.
Muzvare Rushwaya vakatarisirwa kudzoka kudare ramejasitiriti mangwana apo pakatarisirwa kuturwa mutongo naVaNgoni Nduna wekuti zvinokodzera here kuti hurumende ishandure pfungwa dzayo dzekubvuma kwayakange yaita kuti Muzvare Rushwaya vapihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso.
Vachuchisi venyaya iri kupomerwa Muzvare Rushwaya vakaudza dare kuti vakange voda kuchinja mabatiro enyaya iyi sezvo vachiti vakange vazoona kuti nyaya iyi yakakura kwazvo uye ine vanhu vakawanda vari mairi.
Goridhe raida kuburitswa munyika zvisiri pamutemo naMuzvare Rushwaya rinokosha mari inodarika mazana matatu nemakumi matanhatu ezviuru zvemadhora ekuAmerica.
Vari kutevera nyaya iyi vanoti kusungwa kwaitwa mapurisa nevasori panyaya iyi kunoratidza kuti hurumende yadzikisa gejo mukurwisa huori.
Asi mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatshwayo, vati kusungwa kwemapurisa nevasori haisi nyaya yekuti hurumende yakazvipira kurwisana nehuori asi kuti zvikwata zveZanu PF zviri kurwira bhonzo renyama.
Asi VaNyathi mapurisa haasi kuzorega kusunga munhu wese ane chekuita nenyaya iyi vachiti vari kuferefeta zvakare kuti goridhe iri rakanga rabvepi.
Nyanzvi munyaya dzehupfumi, VaMasimba Manyanya, avo vaimboshanda mubazi rezvemari, vanoti kubuda kwemari munyika zvisiri pamutemo kwakafanana nababa vanoba mari mumba vachinonwa doro mhuri ichisara ichiziya nenzara.
Zvichakadai, bhodhi reZimbabwe Miners Federation rinoti rambomisa basa Muzvare Rushwaya richiti nyaya yavo inosvibisa zita resangano iri.
Vanga vari mutevedzeri waMuzvare Rushwaya, VaMarufu Sithole, ndivo vave kumbofanobata chigaro chemutungamiiri weZimbabwe Miners Federation.
Facebook Forum