Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Zvikoro Zvichavhurwa Mwedzi Uno, Varairidzi Vachiti Zvikoro Hazvina Gadziriro Yakakwana


Hurumende inoti zvikoro zvichavhurwa musi wa 15 nemusi wa 22 mwedzi uno mushure mekumbovharwa nekuda kweCovid- 19

Hurumende yakazivisa neChipiri kuti zvikoro zvave kuzovhurwa muzvikamu zviviri, chikamu chekutanga musiwa 15 Kurume kuchiti chikamu chepiri chiri musi wa 22 Kurume, unove mwedzi uno.

Vachitaura mushure memusangano wedare remakurukota, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vakati vana vari kuita zvidzidzo zvinonyorwa bvunzo gore rino zveGrade 7, Form 4 neForm 6, ndivo vachatanga kuvhura musi wa 15.

Vakatiwo varairidzi vari kudzidzisa zvidzidzo zviri muchikamu chekutanga vanofanirwa kunge vave kumabasa avo musi wa 10 mwedzi uno.

Amai Mutsvangwa vakati vamwe vana vese vachange vachizovhura musi wa 22 Kurume, uye varairidzi vavo vanofanirwa kunge vave kumabasa avo musi wa 17.

Vakati muzvikoro munenge musina mukana wekuti vana vasiye mikaha pakati pavo, vana vachapana mukana wekudzidza nguva dzakasiyanasiyana.

Asi vakafannobata chigaro chemunyori mukuru werimwe sangano revarairidzi, reZimbabwe Teachers Association, ZIMTA, VaGoodwell Taderera, vanoti hurumende inofanirwa kutanga yazadzisa matanho anokurudzirwa neWorld Health Organization pamwe nebazi rezvehutano isati yafunga zvekuvhura zvikoro.

VaTaderera vanoti sesangano revashandi vanoti varairidzi vanofanirwawo zvakare kupiwa mihoro inovaita kuti vagare pamabasa, kwete zvekuti mudzidzisi anofunga zvekusiya basa ombonokorokoza.

Hurukuro naVaGoodwell Taderera
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mutauriri webazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro vakaudza Studio 7 neMuvhuro kuti bazi ravo rakagadzirira kuvhurwa kwezvikoro, uye svondo rapera vakuru vakuru vebazi ravo kusanganisira negurukota redzidzo yepasi VaCain Mathema vaishanyira zvikoro vachiona kuti zvakagadzirira zvakadii kudzivirira kupararira kweCovid-19.

Vanoti zvikoro zvavakashanyira zvinosanganisira zvehurumende, zvine vana vanodzidza vachigarapo kana kuti boarding, izvo zvakamboita dambudziko reCovid-19 zvakanyanya, pamwewo nezvakazvimirira.

VaNdoro vakati bazi ravo rakagudzikana nezvavakaona muzvikoro.

Hurukuro naVaTaungana Ndoro
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG