Accessibility links

Breaking News

Vabereki Vogadzirira Kuvhurwa kweZvikoro Varairidzi Vachiti Havasi Kuzodzokera kuMabasa


Vana vechikoro vanodzidza vachigara pazvikoro vari kutarisirwa kuenda kuchikoro neSvondo zvikoro zvichivhurwa neMuvhuro.
Vana vechikoro vanodzidza vachigara pazvikoro vari kutarisirwa kuenda kuchikoro neSvondo zvikoro zvichivhurwa neMuvhuro.

Vamwe vabereki nhasi vanga vachiita chipatapata kuita gadziriro yekuti vana vavo vadzokere kuzvikoro mangwana vakatarisira kutanga kudzidza neMuvhuro sezvakatarwa nehurumende. Vana vakatarisirwa kutanga kudzidza vana vari kutarisirwa kunyora bvunzo gore rinouya.

Vamwe vabereki vakaita saAmai Colleta Masukume vemuHarare vati vaswera vachimhanyamhanya kubhadhara mari dzechikoro nekutenga mayunifomu nezvimwe zvakanzi zviri kudiwa nezvikoro zvinoshandiswa mukudzivirira kuti vana vavo vasabatwe nechirwere cheCovid-19 zvakaita sema mask nemishonga yekushambidza maoko kana kuti ma sanitizer.

Amai Masukume vati zvinovarwadza kuti zvikoro zvizhinji zvakawedzera mari dzedzidzo asi vadzidzisi vasimo muzvikoro.

Mumwe mubereki ane mwana akatarisirwa kudzokera kuchikoro mangwana, Amai Gaudencia Matsika, vatiwo hurumende haina kubuda pachena panyaya yekuti zvimwe zvikoro zvaishandiswa sema quarantine centers zvakashambidzwa here vana vasati vadzokera kuzvikoro.

Zvichakadai, mutungamiri wesangano revadzidsdzisi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaTakavafira Zhou, vaudza Studio 7 kuti havasi kuzodzokera muzvikoro kunoita basa ravo sezvo vachiti mari yavari kutambiriswa nehurumende haicharevi chinhu.

Mutauriri wesangano revadzidzisi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaNation Mudzitirwa, vati vadzidzisi vari kutarisirwa pasi nehurumende.

Zvichakadai, VaZhou vayambira vabereki kuti varegedze kutumira vana vavo kuzvikoro vasazoyeuka bako vanaiwa sezvo vachiti hakuna anenge akatarisa vana vavo.

Vadzidzisi vanoti vanoda kutambiriswa mari yekunze inosvika mazana mashanu emadhora ekuAmerica vachitiwo naivo havachakwanise kuendesa avan vavo kuzvikoro. Masangano evaraidzi svondo rino akanyorera mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa gwaro achitaura nhuna dzevarairidzi.

Gurukota rinoona nezvedzidzo, VaCain Mathema, vati tisavabvunze mibvunzonhando vasati vadzima runhare rwavo patanga tavabvunza kuti matanho api ari kutorwa nehurumende panhuna dzevabereki nevarairidzi idzi.

Asi pavaitura mashoko avo emamiriro akaita zvinhu munyika nemusi weChina, VaMnangagwa vakati hurumende yavo iri kuedza nepainogona napo kugadzirisa nhuna dzevashandi vehurumende avo vanosanganisira varairidzi.

Nyaya ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG