Accessibility links

Breaking News

Zvikoro Zvinovhurwa Pasina Dzidzo Iri Kuitika Muzvikoro Zvakawanda


Des enfants zimbabwéens sont assis dans une salle de classe dans une école de Norton, à 55 km à l’ouest de Harare, le 28 janvier 2009

Apo zvikoro zvavhurwa, vamwe varairidzi vatadza kuenda kubasa vachiti havana mari yekufambisa kuenda kubasa asi vamwe vashoma vanoti vakwanisa kuenda vachityira kudzingwa basa.

Ongororo yaitwa neStudio7 mudunhu reMasvingo, yaratidza kuti vana vazhinji vaenda kuchikoro, vasingadzidze, uye havana kudzingirwa mari yechikoro kunyange hazvo vanga vasina kubhadharirwa mari idzi.

Vana ava havana kutanga zvidzidzo zvavo sezvo vadzidzisi vakawanda vange vasiri pabasa.

VaEstone Mathews, avo vanodzidzisa pachikoro cheZaka Primary School, vati vakundikana kuenda kubasa nekuti vange vasina mari yebhazi uye yekubhadharira vana vavo chikoro.

Mumwe mudzidzisi aramba kudomwa zita rake ati kunyange aenda kubasa, haana kudzidzisa sezvo vana vaswera vakangogara.

Masangano anomirira vadzidzisi akaita seProgressive Teachers Union of

Zimbabwe (PTUZ) ne Amalgamated Rural Teachers Union’s of Zimbabwe (ARTUZ), akaita chisungo chekuti nhengo dzawo dzisaende kubasa panovhurwa zvikoro nhasi.

Mutungamiriri we PTUZ, VaTakavafira Zhou, vati chisungo chavo chabudirira zvikuru nhasi.

Mukuru wemabasa edzidzo mudunhu reMasvingo, VaZedias Chitiga, varamba kutaura neStudio7 nezvenyaya iyi.

Asi vamwe vabereki vanoti kunyange hazvo vana vasina kudzingwa, vari kuremerwa nekutenga mabhuku, makavha, pamwe nemaunifomu ayo ari kudhura.

Bazi rezvedzidzo yepasi rakarambidza zvikoro kukwidza mari richiti vashandise yatarwa gore rapera izvo zvaita kuti vana vazhinji vasadzingwe muzvikoro.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG