Accessibility links

Breaking News

Zvikoro Zvinoda Mabhiriyoni Makumi Maviri neRimwe eMadhora Kuti Zvivhurwe Munguva yeLockdown


Musikana wechikoro
Musikana wechikoro

Bazi rezvedzidzo yepasi rinoti rinoda mabhiriyoni makumi maviri nerimwe emadhora kuitira kuti rikwanise kuvhura zvikoro richitevedza zvese zvinodiwa kuti vadzidzi nevarairidzi vasabatwe nekutachiwana hweCoronavirus uhwo hunokenzera chirwere cheCovid-19.

Vachitsanungura hurongwa hwekuvhurwa kwezvikoro kukomiti yeparamende inoona nezvedzidzo yepasi nemusi weChitatu, munyori mubazi iri, Amai Tumisang Tabela, vakati mari iyi inodiwa kuwedzera varairidzi, kutenga zvekuchengetedza vanhu zvakaita semaMask, maThemometer, kutenga macheya, mabhenji pamwe nematende ekuti vana vadzidzire pazvikoro zvese zvinodarika zviuru zvipfumbamwe nemazana mashanu munyika yese.

Vakati vanotairisira kuti mari iyi ichabva kuhurumende, masangano anopa rubatsiro, vane makambani anoshanda munyaya dzedzidzo, uye vanofara kuti mamwe masangano ave kutopa rubatsiro.

Amai Tabela vakati pari zvino havazive kuti zvikoro zvichavhurwa riini sezvo vachiri kunzwa pfungwa dzevese vane chekuita nedzidzo munyika kusanganisira masangano anomirira varairidzi.

Vakati zvikoro zvichavhurwa muzvikamu zvishanu, uye chikamu chekutanga ndechevana vari kunyora bvunzo gore rino sezvakataurwa nemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, svondo rapfuura.

Vakati kunyange pakaita wirirano yekuti zvikoro zvovhurwa riini, vanoda masvondo mana kana kudarika egadziriro dzakaita sekudzidzisa varairidzi nyaya dzehutano hwakangana neCovid – 19.

Pachikamu chekutanga icho chine Grade 7, Fomu 4 ne Fomu 6 chinenge chine vana 667 476 nevarairidzi 66 748.

Amai Tabela vakati chikamu chechipiri chichatanga mushure memasvondo matatu zvikoro zvazvhurwa, uye pachikamu ichi pachapinda vana vachanyora bvunzo gore rinouuya vanove maGrade 6, Forum 3 ne5.

Chikamu chinotevera chinenge chiri chemaFomu 1 ne 2 kozoti maGrade 2, 3 ne 4 kozoti Grade 1 neECD ndivo vachapinda pachikamu chekupedzesera.

Amai Tabela vakati vana vakawanda zvikuru mumakirasi nekudaro makirasi achatopatsanurwa kuitira kuti vana vakwanise kugara vakaradzana sezvinodiwa pamutemo wekudzvirira Covid-19.

Vakati izvi zvichaita kuti padiwe varairidzi vakawanda vachiti vakatopihwa mvumo yekupinza mabasa varairidzi zviuru zviviri nemazana matatu mwedzi unouya.

Vatiwo vakatoisa chikumbiro chekuti vanoda vamwe varairidzi zviuru zvitanhatu.

Asi Amai Tabela vakati kuti zvinhu zvifambe zvakanaka vanoda varairidzi 290 382 pavana vese vari muzvikoro vanove mamiriyoni mana nemazana mashanu ezviuru. Pari zvino bazi iri rine varairidzi zana nemakumi mana ezviuru.

Panyaya yekuti pane zvikoro zviri kushandiswa kuchetenga vanhu vakabva kune dzimwe nyika, kana kuti Quarantine Centres, Amai Tabela vakati vanovimba kuti panovhurwa zvikoro vanhu ava vanenge vabviswa.

Vakati kana izvi zvikasaitika zvinoreva kuti vana ava vanenge vave kuenda kunodzidzira kune zvimwe zvikoro.

Vakatiwo zvikoro zvese zvichatanga zvagadziriswa nekuiswa mishonga zvisati zvavhurwa uyewo varairidzi nevadzidzi vese vachavhenekwa kuti havana hutachiwana hweCoronavirus here vasati vadzokera kuchikoro.

Mumwe mugari wemuHarare, VaOwen Dhliwayo vakaudza Studio 7 nemusi weChitatu kuti vanofara negadziriro iri kuitwa nehurumende vachiti havangaendese mwana wavo kuchikoro kana zvisina kujeka kuti hutano hwake hunenge hwakachengetedzwa.

Vanoona nezvekufambiswa kwebasa musangano reNational Association of School Development Associations and Committees, VaBanny Manokore, vakaudza Studio 7 kuti vachaedza zvose zvavanokwanisa kuita kuitira kuona kuti vana vadzokera kuchikoro zvakanaka.

Zvikoro zvakavharwa muna Kurume senzira yekudzivirira kupararira kweCovid -19.

Kunyange hazvo zvikoro zvakavharwa, Amai Tabela vakati bazi ravo ririkutora matanho akasiyana siyana akaita sekushandisa madandemutande nemaredhiyo kuitira kuti vana varambe vachidzidza kunyange vasiri kuenda kuchikoro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG