Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vari Kumaka Bvunzo dzeGrade 7 Vopokana neDanho reZimsec Rekuti Vavhenekwe Covid-19


Varairidzi vari kumaka bvunzo dzeGrade 7 vanonzi vanofanirwa kutanga vavhenekwa kana vasina Covid-19 vasati vatanga basa.
Varairidzi vari kumaka bvunzo dzeGrade 7 vanonzi vanofanirwa kutanga vavhenekwa kana vasina Covid-19 vasati vatanga basa.

Varairidzi vari kumaka bvunzo dzeGrade 7 vanonzi vari kupokana nedanho reZimbabwe School Examinations Council, Zimsec, rekuti vatange vaburitsa magwaro kana humbowo hunoratidza kuti vakabaiwa nhomba yekudzivirira Covid-19 vasati vatanga basa.

Zimsec inonzi yakazivisa vose varairidzi vari kumaka bvunzo idzi nezvedanho iri kuburikidza negwaro rayakaburitsa svondo rapera.

Asi mutungamiri werimwe sangano rinomirira varairidzi vekumaruwa, reAmalagamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, VaObert Masaraure, vanoti Zimsec ndiyo inofanirwa kunge ichiona kuti vose vari kumaka bvunzo vabaiwa nhomba kuburikidza nekuvabhadharira miripo inodiwa.

VaMasaraure vanotiwo zvinoshamisa kuti Zimsec yave kuti inoda magwaro anoratidza kuti varairidzi vakabaiwa nhomba asi ivo vakanyoresa bvunzo idzi vasina kumanikidzwa kuburitsa magwaro aya.

Kuvhenekwa nhomba nenzira yePCR kunonzi kunoita madhora makumi matanhatu ekuAmerica, mari inonzi naVaMasaraure yakawanda kwazvo kuti iwanikwe nemurairidzi avanoti ari kutambira mari shoma kwazvo.

Bvunzo dzeGrade 7 idzi dzakatanga kumakwa neMuvhuro.

Asi mutauriri weZimsec, Amai Nicolette Dhlamini, vaudza Studio 7 kuti vanga vasati vatambira chinyunyuto ichi kubva kuvarairidzi.

Amai Dhlamini vati kurudziro yekuti vari kumaka bvunzo vange vakavhenekwa kuti havana Covid-19 here yakanangana nehurongwa hwehurumende hwekudzivirira vashandi vayo vose nevana veZimbabwe munguva dzino dzedenda iri.

Vati kana iri nyaya yekuvhenekwa Covid-19, vanokurudzira kuti varairidzi vavhenekwe pachishandiswa nzira inonzi ANTIGEN yavanoti inoitwa pachena mumakirinika emakanzuru pamwe nemuzvipatara zvehurumende.

Hurukuro naVaObert Masaraure
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG