Accessibility links

Breaking News

Vakuru veZvikoro Vanoparura Sangano reZimbabwe National Union of School Heads


Zimbabwe yava nesangano idzva uye rekutanga rinomirira vakuru vezvikoro nevatevedzeri vavo rinonzi Zimbabwe National Union of School Heads.

Vakafanobata chigaro chemunyori mukuru weZimbabwe National Union of School Heads, Zinush, VaMunyaradzi Majoni, vai kunyange hazvo sangano ravo rakavambwa gore rapera, rakazonyoreswa zviri pamutemo muna Ndira wegore rino.

VaMajoni vati sangano ravo richange richimiririra kodzero dzevakuru vezvikoro nevatevedzeri vavo muzvikoro zvehurumende pamwe nekuvadzivirira kunjodzi dzavanogona kusangana nadzo pavanenge vachiita basa.

VaMajoni vati sangano ravo rave nenhengo dzinodarika mazana maviri.

Vatiwo vakaumba sangano iri mushure mekuona kuti hakuna aimirira vakuru vezvikoro nevatevedzeri vavo.

Imwe nhengo yeZinush uye vari mukuru wechimwe chikoro kuShurugwi, VaSimangalo Gumbo, vati vakava nhengo mushure mekuona kuti hakuna sangano raimiririra zvakakwana zvido zvevakuru vezvikoro.

Vachipa pfungwa dzavo pakuumbwa kwesangano iri, mutungangamiri weAlmagamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vati hapana chakaipa kuve nevamiririri vevakuru vezvikoro.

Vatiwo chakakosha idonzvo rekuti vese vane chekuita nenyaya yedzidzo vapihwe mihoro inovakwanira pamwe nekushanda pasina kumbunyikidzwa.

VaMasaraure vakurudzira Zinush kuti ibatane nemamwe masangano anomiririra varairidzi pasi peFederation of Zimbabwe Educators Union.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo tatadza kubata gurukota rezvedzidzo yepasi, VaCain Mathema.

Asi mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko mubazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro, vati hurumende inoziva kuti munyika mune mutemo unobvumidza vanhu kuti vavambe masangano anomirira zvido zvavo, nokudaro haina chainopokana nazvo nekuuumbwa kwesangano iri.

Vakafanobata chigaro chemutungamiri weZinush ndiVaJohn Muzamano vedunhu reMasvingo; vachitevedzerwa naMuzvare Monica Zharare vekuBinga, VaMajoni vachimirira Midlands, uye vachitevedzerwa naVaDouglas Muchineripi wekuManicaland, mubati wehomwe ari Muzvare Spiwe Sibanda vekuGwanda, Matebeleland South.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG