Accessibility links

Breaking News

Vari Kunze kweNyika Votarisira Sarudzo neMaziso Matsvuku


Elections 2013
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zvinoti hazvisi kufara nekusakwanisa kuvhota musarudzosezvo dare repamusoro soro rakavarambidza kuvhota.

Mumwe mugari wemuAmerica anomirira bato re MDC-T sasachigaro wevechidiki, VaAdmonish Deda, vanoti vari ivo nevamwe vavo vari kushandisa nzira dzakaita se Internet, Facebook, Twitter, neWhatsapp, mukuyedza kukukurudzira hama dzavo kuti dzivhote zvikuru vechidiki.

Zvinonzi huwandu hwezvizvarwa zveZimbabwe zvisiri munyika hwunokwanisa kudarika mamiriyoni matatu. Vazhinji vavo vanonzi vakabva munyika nenyaya dzezvematongerwo enyika pamwe nekusamira zvakanaka kwehupfumi uhwo hwakawondomoka apo Zanu PF yaitonga yega muhurumende.

Mumwe wechidiki anotsigira Zanu PF ari kuita zvidzidzo pa Harvard University,
vaGarikayi Chengu, vanoti bato ravo reZanu PF richakunda musarudzo idzi sezvo vane zvirongwa zvakawanda zvinofarirwa neveruzhinji.

Asi VaDeda vanoti bato reZanu PF richakatyamadzwa nekukunda kuchaita MDC-T kunyange hazvo sarudzo idzi dzange dziine zvimhingamupinyi zvakawanda kunyanya kumaruva uko kunonzi vamwe vanhu vanga vachibatsirwa kuvhota zvisiri pamutemo.

VaDeda vanoti bato ravo rikakunda musarudzo zvizvarwa zveZimbabwe zviri kune dzimwe nyika zvichadzokera kumusha kunobatsira kuvaka nyika patsva.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG