Accessibility links

Breaking News

SADC Troika Yozeya Nyaya yeZimbabwe


sadc
SADC Troika iri kutarisirwa kuita musangano mumazuva mashoma anotevera kuti izeye sarudzo yereferendamu ichangobva mukuitwa uye chikumbiro chemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, chekuti paitwe musangano wevatungamiri vose veSADC kana kuti SADC summit kuti uzeye nyaya yeZimbabwe sarudzo dzisati dzaitwa.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, vanoti mumashoko avo kunhumwa dzeSADC dziri munyika, VaTsvangirai vanoda kuti SADC summit izeye nyaya yegwara rekutora sarudzo dzisati dzaitwa kana kuti roadmap.

Vanoti vanoda kuti pazeyiwe nyaya dzakaita sekuvandudzwa kwemashandiro emapurisa nemauto uye kutorwa kwenhau. Vanotiwo vanoda kuti kusungwa sungwa kwenhengo dzavo kumiswe.

Munyori mukuru weSADC, VaTomaz Salomao, vatenda kuti vakapihwa chikumbiro chaVaTsvangirai. Asi vati zviri kutroika kuti ione kuti yoita here musangano uyu kana kuti kwete.

Gweta, uye vachishanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaJeremiah Bamu, vanoti Zanu-PF inenge isingaremekedze SADC nekudaro zvichanetsa kugadzirisa gakava remunyika.
XS
SM
MD
LG