Accessibility links

Breaking News

Makurukota eSADC Anotanga Musangano Mugadziriro yeMusangano Mukuru we40th Ordinary SADC Summit neMuvhuro


SADC inotarisirwa kuzeya nyaya yeZimbabwe pamwechete nedzimwe nyaya dziri kunetsa mudunhu.
SADC inotarisirwa kuzeya nyaya yeZimbabwe pamwechete nedzimwe nyaya dziri kunetsa mudunhu.

Musangano wemakurukota enyika dzekuchamhembe kweAfrica, weSADC Council of Ministers, watanga uchiitirwa padandemutande nekuda kwechirwere che Covid-19, pamberi pemusangano wevatungamiri venyika dzemuSADC uri kutanga neMuvhuro.

Musangano weMuvhuro uyu ndewe chimakumi mana sangano reSADC raumbwa.

Musangano uyu unoitwa panguva iyo nyika dzakaita seZimbabwe, Mozambique neDemocratic Republic of Congo dzakatarisana nematambudziko akasiyanasiyana.

Hurumende yeZimbabwe iri kupomerwa mhsova yekutyora kodzero dzevanhu kuburikidza nekusunga, kupamba nekuita kafira mberi vanoonekwa sevanoipikisa, izvo zvaita kuti vakawanda mudunhu reSADC vati dambudziko iri rinoda kugadziriswa nekukasika.

Mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, neMuvhuro vakatumira nhumwa dzavo kuti dzinonzwa pamusoro pematambudziko aya, asi nhumwa idzi dzakangosangana nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa chete, dzichisiya vanopikisa, vedzisvondo pamwe nevemasangano akazvimirira oga sezvaitarisirwa nevakawanda.

Nyika yeMozambique iri muhondo yakasimba nechikwata chevanopfurikidza mwero cheAhlu Sunnah Wa-Jama, icho chakarerekera kuchitendero chechi Islam.

Chikwata ichi chinonzi chatora guta riri kumahombekombe kwenyanza reMocimboa da Praia, mushure mekukurira mauto ehurumende.

DRC ine hondowo mumatunhu anoti Kivu neIturi uko vapanduki vanonzi vari kuuraya vagari.

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti kunyange hazvo dzimwe nyika muSADC dziine matambudziko, vanotarisira kuti makurukota ari kusangana aya achaisa nyaya yeZimbabwe pamusorosoro penhaurwa yemusangano wevatungamiri venyika dzeSADC neMuvhuro.

VaMavhinga vanoti aka kanenge kasiri kekutanga kuti SADC ipindire mumatambudziko eZimbabwe, vachiti muna 2007 yakapindira zvakare mushure mekurohwa pamwe nekusungwa kwevaive mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nevamwe vavo vanosanganisira mutungamiri weNational Constitutional Assembly, Muzvinafundo Lovemore Madhuku.

VaMavhinga vanoti kupindira kweSADC uku ndiko kwakazokonzera kuumbwa kwehurumende yemubatanidzwa muna Kukadzi 2009, izvo zvakamborerutsa matambudziko evana veZimbabwe.

Hurukuro naVaDewa Mavhinga
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG