Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inobata neRwanda muKurangarira Kurwisana kweMarudzi Muna 1994


Mutungamiri weRwanda VaPaul Kagame nevamwe vatungamiri vachibatidza rimi retariro mukurangarira kusvika makore makumi maviri nemashanu kurwisana kwemarudzi kwaitika.
Mutungamiri weRwanda VaPaul Kagame nevamwe vatungamiri vachibatidza rimi retariro mukurangarira kusvika makore makumi maviri nemashanu kurwisana kwemarudzi kwaitika.

Mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga neSvondo vabatana nevamwe vatungamiri vedzimwe nyika pamwe nemhuri yeRwanda, avo vaungana muKigali, guta guru renyika iyi, vachirangarira makore makumi maviri nemashanu mushure mekupondwa kwevanhu vanosvika mazana masere ezviuru muna 1994.

Kuurayiwa kwevanhu vakawandisa uku kwakaitika mushure mekurwiswa kwemaTutsi vachiurayiwa nemaHutu.

Vamwe varwiri vekodzero dzevanhu vanoti Zimbabwe inofanirwa kudzidza kubva kuRwanda kuitira kuti igadzirisewo nyaya yekupondwa kwevanhu mumatunhu eMatabeleland neMidlands munguva yeGukurahundi.

Vachitaura munhandare yeAmahoro National Stadium kwakare kuRwanda pagungano rekucherechedza chiitiko ichi, mutungamiri wenyika iyi, VaPaul Kagame vatora mukana uyu kuyeuchidza vanhu kuti nyika yavo yakakwanisa kubva murima rakakonzerwa nekupondana uku, ichipinda muchiedza chakaunzwa nekugarisana.

“Muna 1994 pakanga pasina tariro, raive rima chete. Asi nhasi kwave nechiedza chiri kubva panzvimbo ino. Kune vakapona, tinongoti Tatenda. Hushingi hwenyu hunomirira kukunda kweRwanda yose,” VaKagame vadaro.

Mumwe murwiri wekodzero dzevanhu uye vari mumwe wevanhu vanoshanda nevamwe vevakabatwa nenyaya yeGukurahundi, VaDumisani Mpofu, vanoti chimwe chezvinhu zvakakosha zvingadzidzwa neZimbabwe kubva kune zvakaitika kuRwanda ndechekuti nyaya yeGukurahundi itaurwe pachena.

VaMpofu vanoti panofanirwa kuve nemitemo yakanyatsojeka inobudisa pachena kuti haisi mhosva kutaura kana kuita zvinhu zvine chekuita nekuedza kugadzirisa nyaya yeGukurahundi.

VaMbuso Fuzwayo munyori wesangano re Ibhetshu Likazulu, iro rinorwirawo kodzero dzevakabatwa neGukuruhandi. VaFuzwayo vanotsinhira kuti zvakakosha kuti hurumende ibude pachena panyaya yeGukurahundi uye kuti ive pamberi mukuita kuti nyaya iyi igadziriswe.

Pamusangano wavakaita nevemamwe masangano anoshanda akazvimirira ega mumatunhu eMatabeleland mwedzi wapera mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakati hakuchina munhu anofanirwa kusungwa nekuda kwekutaura kana kuita zvinhu zvine chekuita nekuedza kugadzirisa nyaya yeGukurahundi.

VaFuzwayo vanoti mashoko emutungamiri wenyika aya akakosha asi angadai akataurwa uye anofanirwa kuramba achitaurwa pajekerere kuitira kuti ave nehudzamu.

Nyaya ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Reverend Useni Sibanda, Mukuru weZimbabwe Christian Alliance vanoti kunyange hazvo zvakakosha kuti hurumende itungamire mukugadzirisa nyaya yeGukurahundi, zvakakoshawo kuti vanhu pachavo vakwanise kutaurawo maonero avo panyaya iyi.

Reverend Sibanda vanoti hurumende inofanirwa kuvewo nezvirongwa zvebudiriro zvakanangana nenzvimbo dzakanyanya kubatwa nenyaya yeGukurahundi nekuda kwekuti nzvimbo idzi dzakasarira munyaya dzebudiriro.

Mugwaro rekurangarira kuuraiwa kwevanhu muRwanda, sangano reAmnesty International rinoti vezvematongerwo enyika munyika dzepasi rose vanofanirwa kusiya tsika yekushandisa mashoko anozvidza vamwe vanhu kuchishandiswa marudzi kana zvitendero, richiti kuita zvakadai kunogona kukonzera hondo dzemarudzi.

VaVincent Chakunda mudzidzisi wezvebudiriro nehutongi paMidlands State Univeristy uye muongorori wezvematongerwo enyika akazvimirira.

Vanobvuma kuti pane zvidzidzo zvakakosha kubva kune zvakakitika kuRwanda asi vanoti zvakakosha kunzwisisa kuti nhoroondo yeGukurahundi yakanyanya kukonzerwa nevanhu vashoma vaida masimba ezvematongerwo enyika kwete kuti yaive hondo pakati pemarudzi.

Vanhu vanopfuura zviuru makumi maviri vakaurayiwa namuto ehurumende panguva yeGukurahundi mumatunhu eMatabeleland neMidlands mumakore mashoma akatevera nyika ichangowana rusununguko.

Nekune riwme diviwo vanhu vanosvika zviuru mazana masere vakaurayiwa muhondo yemarudzi yakaitika kwemwedzi mitatu kutanga muna Kubvumbi mugore ra1994 munyika yeRwanda.

Munyika umu makazoita chirongwa chekutaura chokwadi pamusoro pezvakaitika vanhu vakawanda vachireurura izvo zvakabatsira kuti pave nekuregererana.

Asi muZimbabwe nyaya yeGukurahundi inoramba ichitsviriridza nekuda kwekuti hapana kuve nehurongwa hwakadaro.

Dzimwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika dzinoti mashoko emutungamiri wenyika anovaka hwaro hwekuti nyaya yeGukurahundi igadziriswe asi kugadziriswa kwenyaya kungavepo chete kana kutaura uku kukashandurwa kukave muzviito.

Zimbabwe yakamirirwa nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaChiwenga, avo vakasvika muRwanda neMugovera.

Rwanda ichapinda mukuchema kwemazuva zana kutanga nhasi senzira yekurangarira nayo chiitiko ichi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG