Dare ramejsitiriti rarasa chikumbiro chaMuzvare Henrietta Rushwaya, nevamwe vavo vatatu chekuti vapihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso. Asi munhu mumwe chete ndiye apihwa mukana uyu.
Mutongi wedare ramejasitiriri, VaNgoni Nduna, vatura mutongo wekuti Muzvare Rushwaya, vasori vaviri vanoti VaStephen Tserayi naVaRafios Mufandauya, pamwe naVaGift Karanda, varambe vari mujeri sezvo vasingakodzeri kupihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.
Asi VaNduna vapa muzvinabhizimusi VaAli Mohamad, vanove muridzi wekambani yeAli Japan 786 mukana wekubhadhara mari yechibatiso.
VaNduna vati VaMohamad vabhadhare zviuru zana zvemadhora ari maRTGS semari yechibatiso uye kuti vasiye magwaro avo ekufambisa kudare pamwe nekuzvipira kumapurisa kaviri pasvondo uri musi weMuvhuro nemusi weChishanu kudzamara nyaya iyi yapera kutongwa.
VaNduna vati zvakare zita raVaMohamad rakangodomwa naMuzvare Rushwaya pavakasungwa izvo zvakarambwa naMuzvare Rushwaya mudare.
Vatiwo humbowo huri pamberi padare hausi kunyatsonzwisisika kuti chakanyatsoitwa naVaMohamad chaizvo chii mukuparwa kwemhosva iyi.
Vatiwo Muzvare Rushwaya nevamwe vavo havakwanise kuvapa mukana wekubhadhara mukana wekubhadhara mari yechibatiso nekuti vanhu vanozivana nevanhu vakawandisa zvekuti vanogona kusamirira kutongwa.
VaNduna vatiwo vasungwa vana ava vane chekuita nekuparwa kwemhosva yavari kupomerwa uye vanokwanisa kuvhiringidza humbowo kana vakapihwa mukana wekubuditswa mujeri.
VaNduna vati Muzvare Rushwaya vakaedza kupa mumwe mupurisa mari yechiokomuhomwe pavakasungwa vakati VaTserayi naVaMufandauya vakaedza kuvhiringidza humbowo hwepa CCTV hunoratidza zvakaitika panhandare yendege yeRobert Gabriel Mugabe International Airport pakasungirwa Muzvare Rushwaya.
VaNduna vati VaKaranda vakaedza kutyisidzira vafakazi munyaya iyi nekupinza kwavanonzi vakaita zita remudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Auxillia Mnangagwa, vachiziva havo kuti Amai Mnangagwa havanei nechekuita nezvenyaya yegoridhe iyi.
VaTapson Dzvetero, avo vari kumirira Muzvare pamwe naVaAdmire Rubaya avo vari kumirira VaTserayi vati havana kufara nemutongo wedare uye nyaya yavo haina kubatwa zvakanaka nedare ramejasitiriti.
Magweta aya ati achakwidza nyaya iyi kudare repamusoro kuti mutongo waturwa naVaNduna uongororwe.
Izvi zvatsinhirwa negweta raVaMufandauya, VaJoshua John Chirambwe.
VaChirambwe vati dare harina kutarisawo kuti kupihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso yave kodzero pasi pebumbiro remitemo yenyika.
Mutongi wedare ati vasungwa ava vagodzokakudare musi waMbudzi 27.
Facebook Forum