Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri veZanu PF Vakawanda Votsamwiswa neMabatirwo eSarudzo dzeMubato Iri


Zanu PF supporters.

Vatsigiri vebato reZanu PF vakawanda vanoti havasi kufara nekusafamba zvakanaka kwakaita sarudzo dzemubato ravo dzekutsvaga vachamirira bato iri musarudzo dzichaitwa munyika yose.

Vatsigiri veZanu PF vakawanda vanoti havasi kufara nekufambiswa kwakaitwa basa nemurongi wemisangano mubato ravo, VaEngelbert Rugeje, pasarudzo dzekutsvaga vachamirira bato iri musarudzo dzenyika dzichaitwa mumwedzi mishoma iri kutevera.

Mumwe wevanhu ava, VaAcie Lumumba, vanoti bato ravo rine basa guru rekubatanidza vanhu kuitira kuti rigokunda musarudzo. VaLumumba vanoti VaRugeje vakatadza kuita izvi nechimbichimbi vanofanira kusiya basa.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda nesangano reHuma Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti kusafamba zvakanaka kwaita sarudzo muZanu PF hakusvibise zita raVaRugeje chete.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda nesangano reZimbabwe Organization for Youth in Politics, VaNkosilathi Emmanuel Moyo, vaudza Studio7 parunhare vari kuKwekwe kuti kushomeka kwevanhu vakabuda kunovhota musarudzo dzemuZanu PF kunoburitsa pachena kusawirirana kuri mubato iri pakatariswa kubviswa kwakaitwa vaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pachigaro nemauto

Stabile Dewa
Stabile Dewa

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda nesangano re Heal Zimbabwe Trust, Muzvare Stabile Dewa, vati kushomeka kwevanhu vakabuda kunovhota musarudzo idzi zvikurusei munzvimbo dzagara dzichizivikanwa kuti Zanu PF ine rutsigiro rwakakura kwazvo, pamwe nekukundwa kwakaitwa vamwe vakuru-vakuru muZanu PF kunoratidza pachena kuti veruzhinji havasisina chivimbo nehutungamiri hwebato iri.

VaMavhinga vanotiwo mapato anopikisa haafanire kurara nezamu mukanwa achiti Zanu PF yaita zinyekeyeke vachiti bato iri rinogona kumuka chibhebhenenga musarudzo dzenyika dzichaitwa gore rino.

Hatina kukwanisa kutaura naVaRugeje kuti tinzwe divi ravo pamafambiro akaita sarudzo dzemubato ravo sezvo vanga vachiti vakabatikana patavafonera.

Hatinawo kukwanisa kutaura nemutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, sezvo vanga vasingadaire nhare yavo.

Sarudzo dzemuZanu PF dzaifambiswa mumatunhu akawanda nevanhu vaimbove masoja, uye vari pasi paVaRugeje, avo vaimbovawo musoja.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG