Komiti yepamusoro muZanu PF yepolitburo yabuda nechisungo chekuti sarudzo dzekutsvaga nhengo dzebato iri dzichakwikwidza dzakamirira Zanu PF musarudzo dzenyika, dzidzokorodzwe mumatunhu matatu.
Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato iri, munyori anowona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu PF, VaObert Mpofu, vati komiti yavo yepolitburo yabvUmirana kuti sarudzo dzekutsvaga vachakwikwidza vakamirira bato ravo musarudzo dzeparamende dzidzokorodzwe mumantunhu anoti, Mashonaland West, Mashonaland Central pamwe neHarare kunyange hazvo vanhu vanga vachiratidzira ava vanga vachisanganisirawo vamwe vanobva kune mamwe matunhu akaita seMashonaland East, Matabeleland South pamwe ne Manicaland.
VaMpofu vati nzvimbo kanakuti ma constituency achaitwa sarudzo itsva achaziviswa nemurongi wemisangano mubato ravo, VaEngelbert Rugeje, pachapera musangano wepolitburo uyu uyo uchiri pakati kunyange hazvo vati nzvimbo dzichaitwa sarudzo itsva idzi dzisingadarike gumi.
VaMpofu vati vose vakatarisana nemhosva dziri kumapurisa kana mumatare havasi kuzobvumidzwa kukwikwidza vakamirira bato ravo musarudzo dzenyika dzakatarisirwa mumwedzi mishoma iri kutevera.
VaDexter Nduna vanomirira Chegutu West muparamende ndevamwe vevanogona kutadza kukwikwidza musarudzo idzi sezvo vane nyaya iri kumatare yavari kupomerwa kuti vakaridza pfuti mazuva mashoma adarika paiitwa sarudzo dzekutsvaga achakwikwidza kaimirira Zanu PF muChegutu.
Apo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanga vari mumusangano nenhengo dzepolitburo, vamwe vatsigiri veZanu PF vanga vachiratidzira pamuzinda webato iri vakatakura zvinyorwa zvakasiyana-siyana zvanga zvichikurudzira kuiti paitwe sarudzo itsva munzvimbo dzinosanganisira Mbare, Hatfield, Goromonzi South, Goromonzi North, Mazowe West nedzimwe.
Mumwe wevanga vachiratidzira ava, VaJonas Gwarira vekuMazowe West mudunhu reMashonaland Central, vati havana kuwaniswa mukana wekuvhota musarudzo dzakaitwa pakati paVaKazembe Kazembe naVaTafadzwa Musarara.
Mumwe muratidziri, Muzvare Paidamoyo Maungira, vati vanhu vakakunda musarudzo vazhinji vanhu vechikwata cheG40 nokudaro vanoda kuti sarudzo dzidzokororwe.
Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachiwanzotaura vakarerekera kuZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vaudza Studio7 kuti Zanu PF ine mukana wekukunda zvisinei nekurwisana kuri kuitika panyaya dzekuti vachakwikwidza vakamirira bato ndivanani.
Vati zvirikuitika izvi mucherechedzo wekuti mumusangano weZanu PF munotambirwa miwono yakasiyana uye bato iri ibato rinotevedzera zvinoda vanhu.
Zvichakadai, VaMpofu vati politburo yavo yabuda nechisungo chekuti bato ravo richisimbaradza nyaya yekutsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo zvichitevera kuparurwa gwaro regwara richatevedzerwa nebato ravo kwakaitwa naVaMnangagwa neChishanu.
Facebook Forum