Accessibility links

Breaking News

Mikono Inorigwa Musarudzo dzeZanu PF


VaChris Mutsvangwa (R) vakakundwa musarudzo yemuNorton
VaChris Mutsvangwa (R) vakakundwa musarudzo yemuNorton

Nhengo dzakawanda dzePolitburo mubato reZanu PF nemuhurumende dzakarakashwa musarudzo dzekutsaka vachamirira Zanu PF musarudzo dzichaitwa munyika.

Mikono yakarigwa musarudzo idzi inosanganisira chipangamazano chemutungamiri wenyika, VaChristopher Mutsvangwa, vaimbove gurukota rezveminda, VaDouglas Mombeshora, sachigaro weHurungwe West, VaKeith Guzah, gurukota muhofisi yaVaMnangagwa, VaChristopher Mushowe, sachigaro weZanu PF, Amai Oppah Muchinguri, munyori wezvemitemo, VaPaul Mangwana, gurukota reMatabeleland South, Va Abednigo Ncube, pamwe naVaSimbarashe Mumbengegwi, nevamwe.

Vakawanda vanoti kukundwa kwenhengo idzi mucherechedzo wekuti vanhu havachatya kuvhotera munhu wavanoda. Vamwe vanoti vakavhotera munhu wavanofunga kuti anounza tariro pamwe nemabasa.

Muzvare Mavis Gwerume vanogara mumusha weveruzhinji weMkoba kuGweru. Muzvare Gwerume vanoti vanhu vakaratidza kuti vave netarisiro kuti zvinhu zvinogona kushanduka.

Amai Gwerume vanoti zvakaitika hazvinei nemaonero matsva ari kutaurwa nehurumende asi kuti vanhu vasununguka kuratidza zvavanoda zvaitadza kuita VaRobert Mugabe vari panyanga.

Muzvare Magret Mzumara vemuHarare vanoti zvakaitika musarudzo dzeZanu PF zvinoratidza kuti mweya weshanduko wabata vanhu munyika.

Mumwe mugari wekuSakubva, VaPanashe Moyo, vanoti vanhu vakaramba nhengo dzainge dzakurisa netarisiro yekuti vatsva vachashandura zvinhu zvakatadzwa nevabviswa kwenguva yakareba.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti zviri kuitika muZanu PF zviri kuratidza mweya mutsva wapinda muvatsigiri vebato iri izvo zvisati zvaimboitika kubva nyika yawana kuzvitonga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG